Ndinzwirei tsitsi Jehova, nokuti ndiri panjodzi; Ziso raŋgu rapera nokucema, ɀirokwaɀo, nomŋeya waŋgu nomuʋiri waŋgu ʋo. Nokuti ʋupenyu bgaŋgu bgapera nokucema, namakore aŋgu nokugomera; Simba raŋgu rapera nokuɗa kwokutadza kwaŋgu, ʋuye mafupa aŋgu asakara. Ndaʋa cinhu cinoɀidzwa nemhaka yaʋadziʋisi ʋaŋgu ʋose, Ɀirokwaɀo, ɀikuru kunaʋandinogara naʋo, necinotyisa kuʋazikani ʋaŋgu; Ʋakandiʋona kunze ʋakanditiza. Ndakaŋganikwa sowakafa usati acafuŋgwa; Ndaʋa somudziyo wakaputsika. Ndakanzwa ʋazhinji ʋacindipomera, Ɀinotyisa kumatiʋi ose; Pakuraŋgana kwaʋo pamsoro paŋgu Ʋakafuŋga mano kuti ʋanditorere ʋupenyu bgaŋgu. Asi ndakaʋimba nemi Jehova; Ndakati: Ndimi Mŋari waŋgu. Ŋguʋa dzaŋgu dziri muruʋoko rwenyu; Ndirwirei paruʋoko rwaʋaʋeŋgi ʋaŋgu, nokunaʋanonditambudza. Venekesai ciso cenyu pamsoro pomuranda wenyu; Ndiponesei noʋunyoro bgenyu. Ŋgandirege kunyadziswa, Jehova; nokuti ndakaɗana kwamuri; Ʋakaipa ŋgaʋanyadziswe, ŋgaʋanyarare paSheori. Miromo inoreʋa nhema ŋgainyarare; Iyo inotaura namanyawi kunaʋakarurama, Iciɀikudza nokuʋaɀidza.
Verenga chikamu Mapisarema 31
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mapisarema 31:9-18
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo