Mapisarema 25
25
Davidi unonyeŋgetera kuti akaŋganwirwe nokuceŋgetwa.
Pisarema raDavidi.
1Jehova, ndinosimudzira mŋoyo waŋgu kwamuri.
2Mŋari waŋgu, ndinoʋimba nemi,
Ŋgandirege kunyadziswa;
Ʋaʋeŋgi ʋaŋgu ŋgaʋarege kundikunda.
3Ɀirokwaɀo, hapano‐munhu unokumirirai uŋganyadziswa;
Ʋacanyadziswa ndiʋo ʋanonyeŋgera pasinecinhu.
4Ndiratidzei nzira dzenyu, Jehova;
Ndidzidzisei nzira dzenyu.
5Ndiperekedzei muɀokwaɗi yenyu, mundidzidzise;
Nokuti ndimi Mŋari muponesi waŋgu;
Ndinokutarirai zuʋa rose.
6Raŋgarirai, Jehova, nyasha yenyu huru noʋunyoro bgenyu;
Nokuti ɀaiʋa’po kare nakare.
7Regai kuraŋgarira ɀiʋi ɀoʋuɗoko bgaŋgu, nokuɗarika kwaŋgu;
Mundiraŋgarire noʋunyoro bgenyu,
Nokuɗa kwokunaka kwenyu, Jehova.
8Jehova wakanaka, wakarurama;
Saka ucaraira ʋatadzi panzira.
9Ucaperekedza ʋanyoro muneɀakarurama;
Ucadzidzisa ʋanyoro nzira yake.
10Nzira dzose dzaJehova ndedzoʋunyoro neɀokwaɗi
Kunaʋanoceŋgeta suŋgano yake neɀipupuriro ɀake.
11Nokuɗa kwezita renyu, Jehova,
Kaŋganwirai ɀakaipa ɀaŋgu, nokuti ɀikuru.
12Munhu ndoupiko unotya Jehova?
Ndiye waacadzidzisa nzira yaanofanira kusanaŋgura.
13Mŋeya wake ucagara ɀakanaka;
Ʋuye ʋana ʋake ʋacagara nhaka yenyika.
14Ɀakaʋanzwa ɀaJehova ndeɀaʋanomutya;
Ucaʋaratidza suŋgano yake.
15Meso aŋgu anoramba acitarira kunaJehova;
Nokuti unobvisa tsoka dzaŋgu pamumbure.
16Riŋgirai kwandiri, mundinzwire nyasha;
Nokuti ndiri ndoga, ndinotambudzika.
17Maɗambudziko omŋoyo waŋgu awanda kwaɀo;
Haiwa, ndiɓuɗisei panjodzi dzaŋgu.
18Tarirai kutambudzika kwaŋgu nokurwadziwa kwaŋgu;
Mundikaŋganwire ɀiʋi ɀaŋgu ɀose.
19Tarirai ʋaʋeŋgi ʋaŋgu, nokuti ʋazhinji;
Ʋanondiʋeŋga nehasha dzembeŋgo.
20Ceŋgetai mŋeya waŋgu mundirwire;
Ndirege kunyadziswa, nokuti ndinoʋimba nemi.
21Kusanyeŋgera nokururama ŋgaɀindiceŋgete,
Nokuti ndinokumirirai.
22Dzikinurai Israeri, imi Mŋari,
Panjodzi dzake dzose.
Zvasarudzwa nguva ino
Mapisarema 25: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018