Nokuti mucaponesa ʋanhu ʋanotambudzika; Asi mucaɗeredza meso aʋanoɀikudza. Nokuti imi mucatuŋgidza mŋenje waŋgu; Jehova Mŋari waŋgu ucavenekera rima raŋgu. Nokuti nemi ndicaʋamba hondo, Kana ndinaMŋari waŋgu ndicaɗarika ruȿiŋgo. Kana ari Mŋari, nzira yake yakakwana kwaɀo; Shoko raJehova rakaidzwa; Ndiye nhoʋo yaʋose ʋanoʋimba naye. Nokuti ndianiko Mŋari, asi iye Jehova? Ndianiko ɗombo, asi iye Mŋari weɗu? Iye Mŋari, unondisuŋga ciʋuno nesimba, Unokwanisa nzira yaŋgu. Unoita tsoka dzaŋgu dziʋe setsoka dzenondokadzi, Unondiisa pamatunhu aŋgu akakwirira. Unodzidzisa maʋoko aŋgu kurwa; Naiɀoɀo maʋoko aŋgu anowembura ʋuta bgendarira. Makandipa ʋo nhoʋo yokuponesa kwenyu; Ruʋoko rwenyu rworudyi rwakanditsigira, Ʋuye ʋunyoro bgenyu bgakandiita mukuru. Makandiitira nɀimbo yakafarikana pandiŋgatsika; Ʋuye tsoka dzaŋgu hadzina‐kutedzemuka. Ndicateʋerera ʋaʋeŋgi ʋaŋgu nokuʋaɓata, Handiŋgadzoki ɀe kuȿikira ʋapedzwa. Ndicaʋaɓaya, ʋakoniwe kusimuka; Ʋacawira pasi petsoka dzaŋgu. Nokuti makandisuŋga ciʋuno nesimba rokurwa naro; Makandikundisa ʋaindimukira.
Verenga chikamu Mapisarema 18
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mapisarema 18:27-39
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo