Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 119:49-56

Mapisarema 119:49-56 SUB1949

Raŋgarirai shoko renyu kumuranda wenyu, Nokuti makandimutsira tariro. Ndiɀo ɀinondinyaradza pakutambudzika kwaŋgu; Nokuti shoko renyu rakandiponesa. Ʋanoɀikudza ʋakandiseka kwaɀo; Kunyaŋge ɀakaɗaro handina‐kutsauka pamurau wenyu. Ndakaraŋgarira ɀamakatoŋga kare‐kare, Jehova, Ndikaɀinyaradza. Kutsamŋa kukuru kwakandiɓata, Nokuɗa kwaʋakaipa ʋanorasha murau wenyu. Mitemo yenyu yaiʋa nziyo dzaŋgu Mumba moʋutorwa bgaŋgu. Ndakaraŋgarira zita renyu, Jehova, ʋusiku, Ndikaceŋgeta murau wenyu. Ndiɀo ɀandakaŋga ndinaɀo, Nokuti ndakaceŋgeta ɀireʋo ɀenyu.