Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 119:121-144

Mapisarema 119:121-144 SUB1949

Ndakaita ɀakatoŋgwa neɀakarurama; Musandiisa kuʋamanikidzi ʋaŋgu. Iʋai ruɓatso rwomuranda wenyu kuti ndiitirwe ɀakanaka; Ʋanoɀikudza ŋgaʋarege kundimanikidza. Meso aŋgu apera nokutȿaka kuponesa kwenyu, Neshoko renyu rakarurama. Itirai muranda wenyu noʋunyoro bgenyu, Mundidzidzise mitemo yenyu. Ndiri muranda wenyu, ndipei njere; Kuti ndiziʋe ɀipupuriro ɀenyu. Iŋguʋa yaJehova yokuɓata nayo; Nokuti ʋakaputsa murau wenyu. Saka ndinoɗa mirairo yenyu Kupfuʋura ndarama, ɀirokwaɀo, kupfuʋura ndarama yakaiȿo‐naka. Saka ndinoti, ɀireʋo ɀenyu ɀose pamsoro peɀose ɀakarurama; Ndinoʋeŋga nzira dzose dzenhema. Ɀipupuriro ɀenyu ɀinoshamisa; Saka mŋeya waŋgu unoɀiceŋgeta. Kuzarurwa kwamashoko enyu kunopa ciedza; Kunopa njere ʋasinamano. Ndakashamisa muromo waŋgu kwaɀo, ndikatakwaira; Nokuti ndakashuʋa mirairo yenyu. Riŋgirai kwandiri, mundinzwire nyasha, Seɀamunoitira ʋanoɗa zita renyu. Simbisirai kutsika kwaŋgu mushoko renyu; Ɀakaipa ŋgaɀirege kutoŋga ʋanesimba pamsoro paŋgu. Ndidzikinurei pakumanikidza kwomunhu; Naiɀoɀo ndicaceŋgeta ɀireʋo ɀenyu. Ciso cenyu ŋgacivenekere muranda wenyu; Mundidzidzise mitemo yenyu. Nzizi dzemvura dzinoyerera pameso aŋgu, Nokuti haʋaceŋgeti murau wenyu. Imi makarurama, Jehova, Neɀamakatoŋga ɀakarurama ʋo. Makaraira ɀipupuriro ɀenyu nokururama Ʋuye nokutendeka kukuru. Kushiŋgaira kwaŋgu kwakandipedza, Nokuti ʋadziʋisi ʋaŋgu ʋakakaŋganwa mashoko enyu. Shoko renyu rakaiȿo‐natswa; Saka muranda wenyu unoriɗa. Ndiri muɗuku, ndakaɀidzwa; Asi handikaŋganwi ɀireʋo ɀenyu. Kururama kwenyu ndiko kururama kusiŋgaperi, Nomurau wenyu iɀokwaɗi. Nhamo nokumanikidzwa ɀakandiɓata; Asi mirairo yenyu ndiwo mufaro waŋgu mukuru. Ɀipupuriro ɀenyu ɀakarurama nokusiŋgaperi; Ndipei njere, ndigorarama.