Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 119:121-144

Mapisarema 119:121-144 BDSC

Ndakaita zvakarurama nokururamisira; musandisiya mumaoko avadzvinyiriri vangu. Itai kuti muranda wenyu agare zvakanaka; musarega vanozvikudza vachimudzvinyirira. Meso angu aneta nokutsvaka ruponeso rwenyu, ndichitsvaga vimbiso yenyu yakarurama. Itirai muranda wenyu zvinoringana norudo rwenyu, uye ndidzidzisei mitemo yenyu. Ndiri muranda wenyu; ndipeiwo kunzvera kuti ndigonzwisisa zvamakatema. Haiwa Jehovha, inguva yenyu yokubata; murayiro wenyu uri kuputswa. Nokuti ndinoda mirayiro yenyu kupfuura goridhe, kupfuura goridhe rakanatswa, uye nokuti ndinoti zvirevo zvenyu zvose zvakarurama, ndinovenga nzira dzose dzakaipa. Zvirevo zvenyu zvinoshamisa; naizvozvo ndinozviteerera. Kuzarurwa kweshoko renyu kunopa chiedza; kunopa kunzwisisa kuna vasina mano. Ndinoshamisa muromo wangu ndigodokwaira, ndichishuva mirayiro yenyu. Dzokerai kwandiri mugondinzwira ngoni, sezvamunogara muchiita kuna avo vanoda zita renyu. Rayirai nhambwe dzetsoka dzangu zviri maererano neshoko renyu; chivi ngachirege kunditonga. Ndidzikinurei pakudzvinyirira kwavanhu, kuti ndigoteerera zvirevo zvenyu. Chiso chenyu ngachipenye pamusoro pomuranda wenyu, uye ndidzidzisei mitemo yenyu. Hova dzemisodzi dzinoerera dzichibva mumeso angu, nokuti murayiro wenyu hausi kuteererwa. Haiwa Jehovha, imi makarurama, uye mirayiro yenyu yakarurama. Zvirevo zvenyu zvamakadzika zvakarurama; zvakavimbika kwazvo. Kushingaira kwangu kunondipedza, nokuti vavengi vangu havana hanya namashoko enyu. Vimbiso dzenyu dzakaedzwa chose, uye muranda wenyu anodzida. Kunyange ndakaderedzwa uye ndichizvidzwa hangu, handikanganwi zvirevo zvenyu. Kururama kwenyu kunogara nokusingaperi, uye murayiro wenyu ndowezvokwadi. Nhamo namatambudziko zviri pamusoro pangu, asi mirayiro yenyu ndiwo mufaro wangu. Zvirevo zvenyu zvinogara zvakarurama; ndipeiwo kunzwisisa kuti ndirarame.