Ʋoŋgai Jehova; nokuti wakanaka; Nokuti ŋgoni dzake dzinogara nokusiŋgaperi. Israeri ɀino ŋgaʋati: Ŋgoni dzake dzinogara nokusiŋgaperi. Imba yaAroni ɀino ŋgaiti: Ŋgoni dzake dzinogara nokusiŋgaperi. Aʋo ʋanotya Jehova ɀino ŋgaʋati: Ŋgoni dzake dzinogara nokusiŋgaperi. Ndakaɗanidzira kunaJehova pakutambudzika kwaŋgu: Jehova akandipindura, akandiisa pakafarikana. Jehova uri kurutiʋi rwaŋgu; handiŋgatyi; Munhu uŋgandiiteiko? Jehova uri kurutiʋi rwaŋgu pakati paʋanondiɓatsira; Saka ndicaʋona kukundwa kwaʋanondiʋeŋga. Ɀiri nani kutizira kunaJehova Pakuʋimba nomunhu. Ɀiri nani kutizira kunaJehova Pakuʋimba namacinda. Ʋahedeni ʋose ʋakandikomba; Ndicaʋaparadza nezita raJehova. Ʋakandikomba, ɀirokwaɀo, ʋakandikomba, Ndicaʋaparadza nezita raJehova. Ʋakandikomba senyuci; ʋakadzimŋa somŋoto weminzwa; Ndicaʋaparadza nezita raJehova. Kundisundidzira wakandisundidzira iwe kuti ndiwe; Asi Jehova wakandiɓatsira.
Verenga chikamu Mapisarema 118
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mapisarema 118:1-13
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo