Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 103:1-18

Mapisarema 103:1-18 SUB1949

Rumbidza Jehova, mŋeya waŋgu; Ɀose ɀiri mukati maŋgu ŋgaɀirumbidze zita rake dɀene. Rumbidza Jehova, mŋeya waŋgu, Urege kukaŋganwa mikomborero yake; Iye, unokaŋganwira ɀakaipa ɀako ɀose; Unoporesa kurwara kwako kwose; Unodzikinura ʋupenyu bgako pakuparadzwa; Unokuisa korona yoʋunyoro neŋgoni; Unogutisa mŋoyo wako neɀakanaka; Kuti ʋutȿa bgako ʋuʋandudzwe segondo. Jehova unoita ɀinhu ɀakarurama, Nokururamisira ʋose ʋanomanikidzwa. Wakaziʋisa Mosesi nzira dzake, Naʋana ʋaIsraeri ɀaakaita. Jehova unetsitsi nenyasha, Haacimbidziki kutsamŋa, uneŋgoni zhinji. Haaŋgarambi acirwa; Ʋuye haaŋgarambi akatsamŋa nokusiŋgaperi. Haana‐kutiitira seɀakafanira ɀiʋi ɀeɗu, Kana kutipa muɓairo seɀakafanira ɀakaipa ɀeɗu. Nokuti sokukwirira kwokuɗeŋga kumsoro, Ndiɀo ɀakaita kukura kweŋgoni dzake kunaʋanomutya. Sokuʋa‐kure kwamabvazuʋa namaʋirira, Saiɀoɀo wakabvisa kuɗarika kweɗu kwose kure nesu. Sokunzwira tsitsi kwaɓaɓa ʋana ʋake, Saiɀoɀo Jehova unonzwira tsitsi ʋanomutya. Nokuti iye unoziʋa catakaitwa naco, Unoraŋgarira kuti tiri guruʋa. Kana ari munhu, mazuʋa ake akaita soʋuswa; Seruʋa resaŋgo, iye unokura saiɀoɀo. Nokuti mhepo inopfuʋura pamsoro paro, ʋonei raenda; Nenɀimbo yaro haicariziʋi. Asi ŋgoni dzaJehova dziri’po nokusiŋgaperi‐peri kunaʋanomutya, Nokururama kwake kuʋana ʋaʋana ʋaʋo; Kunaiʋo ʋanoceŋgeta suŋgano yake, Nokunaʋanoraŋgarira ɀaakaraira, kuti ʋaɀiite.