Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ɀireʋo 30:18-20

Ɀireʋo 30:18-20 SUB1949

Ɀinhu ɀitatu ɀiri’ko ɀinondishamisa, Ɀirokwaɀo ɀinna, ɀandisiŋgaziʋi, ɀinoti: Kufamba kwegondo muɗeŋga; Kufamba kwenyoka paruware; Kufamba kwecikepe pakati peguŋgwa; Nokufamba kwomurume nomusikana. Ndiɀo ɀakaita kufamba kwomukadzi woʋupombge; Unodya, ndokupisika muromo wake, Aciti: Handina‐kuita cinhu cakaipa.