Zvirevo 30:18-20
Zvirevo 30:18-20 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvinhu zvitatu zviriko zvinondishamisa, Zvirokwazvo zvina, zvandisingazivi, zvinoti: Kufamba kwegondo mudenga; Kufamba kwenyoka paruware; Kufamba kwechikepe pakati pegungwa; Nokufamba kwomurume nomusikana. Ndizvo zvakaita kufamba kwomukadzi woupombwe; Anodya, ndokupisika muromo wake, Achiti, “Handina kuita chinhu chakaipa.”
Zvirevo 30:18-20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Pane zvinhu zvitatu zvinondishamisa kwazvo, zvina zvandisinganzwisisi, zvinoti: nzira yegondo riri mudenga, nenzira yenyoka paruware, nenzira yechikepe pagungwa, uye nzira yomurume ane musikana. “Iyi ndiyo nzira yomukadzi chifeve: Anodya agopukuta muromo wake uye agoti, ‘Hapana chinhu chakaipa chandaita ini.’
Zvirevo 30:18-20 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvinhu zvitatu zviriko zvinondishamisa, Zvirokwazvo zvina, zvandisingazivi, zvinoti: Kufamba kwegondo mudenga; Kufamba kwenyoka paruware; Kufamba kwechikepe pakati pegungwa; Nokufamba kwomurume nomusikana. Ndizvo zvakaita kufamba kwomukadzi woupombwe; Anodya, ndokupisika muromo wake, Achiti, “Handina kuita chinhu chakaipa.”
Zvirevo 30:18-20 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Pane zvinhu zvitatu zvinondishamisa kwazvo zvinotosvika zvina zvandisinganzwisisi, zvinoti: Nzira yegondo mudenga nzira yenyoka paruware nzira yechikepe mugungwa guru maitiro omurume nomusikana. Ndizvo zvinoita pfambi inodya yopukuta muromo yoti hapana kutadza kwandaita.
Zvirevo 30:18-20 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀinhu ɀitatu ɀiri’ko ɀinondishamisa, Ɀirokwaɀo ɀinna, ɀandisiŋgaziʋi, ɀinoti: Kufamba kwegondo muɗeŋga; Kufamba kwenyoka paruware; Kufamba kwecikepe pakati peguŋgwa; Nokufamba kwomurume nomusikana. Ndiɀo ɀakaita kufamba kwomukadzi woʋupombge; Unodya, ndokupisika muromo wake, Aciti: Handina‐kuita cinhu cakaipa.
Zvirevo 30:18-20 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)