Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ɀireʋo 23:1-18

Ɀireʋo 23:1-18 SUB1949

Kana ukagara pakudya pamŋe cete nomuɓati, Cerekedza ɀakanaka ɀiri pamberi pako; Uɀigure huro dzako, Kana uri munhu wamadyo. Usapaŋga ɀinozipa ɀake, Nokuti ɀokudya iɀo ɀinonyeŋgedzera. Usaɀinetsa kuwana fuma; Rega ʋucenjeri bgako. Unoɗa kuɀitarira nameso ako? Ɀaenda! Nokuti ɀirokwaɀo fuma inoɀiitira mapapiro, Segondo rinobururukira kuɗeŋga. Usadya ɀokudya ɀomunhu unoruciʋa; Kana kupaŋga ɀinozipa ɀake. Nokuti seɀaanofuŋga mumŋoyo make, ndoɀaakaita; Unoti kwauri: Cidya, cinwa; Asi mŋoyo wake haunehanya newe. Musuʋa wawadya, ucaurutsa ɀe, Ukarashikirwa namashoko ako akanaka. Usataura paunonzwika neɓenzi; Nokuti ricaɀidza ʋucenjeri bgamashoko ako. Usabvisa muganho wekare; Ʋuye usapinda paminda yenherera; Nokuti Mudzikinuri waʋo unesimba; Iye ucaʋarwira pamhaka dzaʋo newe. Mŋoyo wako ushiŋgaire kudzidziswa, Nenzeʋe dzako kunzwa mashoko eziʋo. Usarega kuraŋga mŋana; Nokuti kunyaŋge ukamuroʋa neshamhu, haaŋgafi. Umuroʋe neshamhu, Ugorwira mŋeya wake paSheori. Mŋanakomana waŋgu, kana mŋoyo wako wocenjera, Nomŋoyo waŋgu ucafara ʋo. Ɀirokwaɀo, itȿo dzaŋgu dzicafarisisa, Kana miromo yako icitaura ɀinhu ɀakarurama. Mŋoyo wako ŋgaurege kugoɗora ʋatadzi; Asi utye Jehova mazuʋa ose. Nokuti ɀirokwaɀo muɓairo uri’po; Cawakatarira haciŋgaparadzwi.