Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ɀireʋo 16

16
1Kuraŋgarira kwomŋoyo ndokwomunhu;
Asi mhinduro yorurimi inobva kunaJehova.
2Nzira dzose dzomunhu unoti dzakanaka pakuʋona kwake;
Asi Jehova unoyera mŋeya.
3Isa maɓasa ako ose kunaJehova,
Ɀawakaraŋgarira ɀigoitika.
4Jehova wakaitira cinhu cimŋe necimŋe ɓasa raco;
Ɀirokwaɀo kunyaŋge nowakaipa wakaitirwa zuʋa reɀakashata.
5Mumŋe nomumŋe, unomŋoyo unoɀikudza, unonyaŋgadza Jehova;
Ɀirokwaɀo, haaŋgakoni kurobga.
6Ɀakaipa ɀinodzikinurwa nenyasha neɀokwaɗi;
Nokutya Jehova ʋanhu ʋanobva paneɀakashata.
7Kana nzira dzomunhu dzicifadza Jehova,
Unomuyananisira kunyaŋge namapfumo ake.
8Ɀirinani kuʋa neɀishoma nokururama,
Pakuʋa nefuma zhinji nokusarurama.
9Mŋoyo womunhu unoɀifuŋgira nzira yake;
Asi Jehova unorairira kufamba kwake.
10Miromo yamambo inotema ɀireʋo ɀaɀokwaɗi;
Muromo wake hauŋgaposhi pakutoŋga.
11Ciyero necienzaniso, cisiŋganyeŋgeri, cinobva kunaJehova;
Ɀiidzo ɀose ɀehomboɗo iɓasa rake.
12Ɀinonyaŋgadza kana madzimambo aciita ɀakaipa;
Nokuti cigaro coʋushe cinosimbiswa nokururama.
13Madzimambo anofadzwa nemiromo yakarurama;
Unotaura ɀinhu ɀakarurama unoɗikanwa naye.
14Kutsamŋa kwamambo kwakaita senhume dzorufu;
Asi munhu wakacenjera unokunyaradza.
15Ʋupenyu ʋuri pakubginya kweciso camambo;
Kana acifarira munhu ɀakaita segore remvura yokupedzisira.
16Kuwana ʋucenjeri kunokunda sei kuwana ndarama;
Ɀirinani kutsaura kuwana njere pakuwana sirveri.
17Mugwagwa, wakapfumba, waʋakarurama ndiko kubva panezakaipa;
Unocenjerera nzira yake unoceŋgeta mŋeya wake.
18Kuɀikudza kunotaŋgira kuparadzwa;
Ʋuye mŋeya wamanyawi unotaŋgira kuwa.
19Ɀirinani kuʋa nomŋeya unoɀininipisa pakati paʋarombo,
Pakugoʋana ɀakapambga naʋanoɀikudza.
20Unoterera Shoko, ucawana ɀakanaka;
Unoʋimba naJehova, unomufaro.
21Unomŋoyo wakacenjera ucanzi wakaŋgwara;
Ʋuye miromo inotapira inowedzera dzidzo.
22Njere itsime roʋupenyu kunounadzo;
Asi kurairira kwamapenzi ʋupenzi.
23Mŋoyo wowakacenjera unodzidzisa muromo wake,
Uciwedzera dzidzo pamiromo yake.
24Mashoko, anofadza, akaita somuȿi woʋuci,
Ɀinotapira kumŋeya ɀiciporesa mafupa.
25Munhu unoʋona nzira aciti yakarurama;
Asi kuguma kwayo inzira dzorufu.
26Nzara yomuɓati inomuɓatira;
Nokuti muromo wake unomukurudzira.
27Munhu, usinamaturo, unofuŋgira ʋamŋe ɀakaipa;
Pamiromo yake panomŋoto unopisa.
28Munhu wakatsauka unokusha kukakaʋara;
Muceri unoparadzanisa shamŋari dzinoɗana.
29Munhu unomanikidza, unonyeŋgedzera wokwake,
Acimutuŋgamirira panzira isinokunaka.
30Munhu unotsinzina meso ake, unoɀiita kuti afuŋge ɀakatsauka,
Unorumana miromo yake, watoita ɀakashata.
31Vudzi racena ikorona yakaiȿo‐naka,
Inowanikwa panzira yokururama.
32Unomŋoyo murefu unopfuʋura unesimba;
Unodzora mŋeya wake, unopfuʋura unotapa musha.
33Mijenya inokandirwa paŋguʋo dzecifuʋa;
Asi ɀireʋo ɀose ɀinotemŋa nayo ɀinobva kunaJehova.

Zvasarudzwa nguva ino

Ɀireʋo 16: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda