Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Numeri 9

9
ƲaIsraeri ʋanodya paseka.
1Ɀino Jehova wakataura naMosesi murenje reSinai pamŋedzi wokutaŋga wegore recipiri rokuɓuɗa kwaʋo panyika yeEgipita, akati: 2Ʋana ʋaIsraeri ʋanofanira kutamba paseka paŋguʋa yayo yakatarwa. 3Nezuʋa regumi namanna romŋedzi uno, maɗekwana, munofanira kuitamba paŋguʋa yayo yakatarwa; munofanira kuitamba muciterera mitemo yayo yose nemirairo yayo yose. 4Ipapo Mosesi akataura naʋana ʋaIsraeri, kuti ʋatambe paseka. 5Iʋo ʋakatamba paseka nomŋedzi wokutaŋga, nezuʋa regumi namanna romŋedzi, maɗekwana, murenje reSinai; ɀose seɀakarairwa Mosesi naJehova, ndiɀo ɀakaita ʋana ʋaIsraeri. 6Ɀino kwakaŋga kunaʋamŋe ʋarume ʋakaŋga ʋasina‐kunaka nokuɗa kwecitunha comunhu, naiɀoɀo ʋakaŋga ʋasiŋgagoni kudya paseka nomusi iwoyo; naiɀoɀo ʋakaʋuya kunaMosesi naAroni nomusi iwoyo; 7ʋarume aʋa ʋakati kwaari: Hatina‐kunaka nokuɗa kwecitunha comunhu; tiŋgadziʋiswa seiko kupa cipo caJehova neŋguʋa yaco yakatarwa pakati paʋana ʋaIsraeri? 8Mosesi akati kwaʋari: Mirai, ndinzwe ɀinorairwa naJehova pamsoro penyu.
9Jehova akataura naMosesi, akati: 10Taura naʋana ʋaIsraeri, uti: Kana mumŋe wenyu, kana waʋana ʋenyu, aciŋge aʋa usina‐kunaka nokuɗa kwecitunha, kana ɀimŋe ari kurwendo ruri kure, kunyaŋge ɀakaɗaro unofanira kutamba paseka yaJehova. 11Iʋo ʋanofanira kuidya nomŋedzi wecipiri, nezuʋa regumi namanna, maɗekwana; ʋanofanira kuidya neciŋgwa cisina‐kuʋiriswa nemiriʋo inoʋaʋa. 12Haʋafaniri kusiya ɀimŋe kuȿikira maŋgwana, kana kuvuna fupa rimŋe rayo, asi ʋanofanira kuitamba ʋaciterera mitemo yose yepaseka. 13Asi kana munhu akanaka hake, asati ari parwendo, akasadya paseka, munhu uyo unofanira kubviswa pakati porudzi rwake; ɀaasinakupa cipo caJehova paŋguʋa yakatarwa, munhu uyo ucaʋa neɀiʋi ɀake. 14Kana ari mutorwa ugere nemi, akaɗa kudya paseka yaJehova, unofanira kuidya aciterera mutemo wepaseka, nomurairo wayo; munofanira kuʋa nomutemo mumŋe, womutorwa nomunhu wakaɓerekwa munyika.
Gore nomŋoto pamsoro petabernakeri.
15Nomusi wokumiswa kwetabernakeri, gore rakafukidza tabernakeri, iro tente recipupuriro; maɗekwana rakaŋga riri pamsoro petabernakeri rakaita somŋoto kuȿikira maŋgwana. 16Ɀakaŋga ɀakaɗaro ŋguʋa dzose; gore rakaifukidza, asi ʋusiku rakaŋga rakaita somŋoto. 17Ɀino ŋguʋa dzose kana gore ricisimudzwa pamsoro peTente, shure kwaiɀoɀo ʋana ʋaIsraeri ʋaifamba; paindomira gore, ipapo ʋana ʋaIsraeri ʋaidzika matente aʋo; 18seɀaʋairairwa naJehova, ʋana ʋaIsraeri ʋaifamba, seɀaʋairairwa naJehova ʋaidzika matente aʋo; ŋguʋa yose kana gore rimire pamsoro petabernakeri, iʋo ʋairambira mumatente aʋo. 19Kana gore ricirambira pamsoro petabernakeri mazuʋa mazhinji, ʋana ʋaIsraeri ʋaiceŋgeta ɀaʋakaŋga ʋarairwa naJehova, ʋakasafamba. 20Dzimŋe ŋguʋa gore raigara pamsoro petabernakeri mazuʋa mashomanene; ɀino seɀairaira Jehova ʋairamba ʋagere pamatente aʋo, ʋuye seɀairaira Jehova ʋaifamba. 21Dzimŋe ŋguʋa gore raiʋa’po kubva maɗeko kuȿikira maŋgwana; ɀino kana gore ricisimudzwa maŋgwana, ʋaifamba; kana masikati kana ʋusiku, kana gore ricisimudzwa, ʋaifamba. 22Kana gore rikaramba riri pamsoro petabernakeri mazuʋa maʋiri, kana mŋedzi, kana gore, ricimira pamsoro payo, ʋana ʋaIsraeri ʋairamba ʋagere mumatente aʋo, ʋasiŋgafambi; asi kana rasimudzwa, ʋaifamba. 23Seɀaʋairairwa naJehova, ʋaidzika matente aʋo; seɀaʋairairwa naJehova, ʋaifamba; ʋaiceŋgeta ɀaʋakaŋga ʋarairwa naJehova, seɀakaraira Jehova nomuromo waMosesi.

Zvasarudzwa nguva ino

Numeri 9: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda