Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Numeri 10

10
Ʋanorairwa kuita hwamanda mbiri dzesirveri.
1Ɀino Jehova wakataura naMosesi, akati: 2Uɀiitire hwamanda mbiri dzesirveri; unofanira kudziita nesirveri yakapambadzirwa; idzo dzinofanira kukuɓatsira kuɗana ʋuŋgano nokuraira kuti mapoka afambe. 3Kana ʋacidziridza ʋuŋgano yose inofanira kuʋuŋgana kwauri pamukoʋa wetente rokusoŋgana. 4Kana ʋaciridza imŋe cete, ɀino macinda ʋari ʋakuru ʋeɀuru ɀaʋaIsraeri ʋanofanira kuʋuŋgana kwauri. 5Kana muciridzisa, mapoka okurutiʋi rwamabvazuʋa anofanira kusimuka, ʋafambe. 6Kana muciridzisa rwecipiri mapoka okurutiʋi rwezasi anofanira kusimuka, ʋafambe; ʋanofanira kuridzisa kana ʋofamba nzendo. 7Asi kana ʋuŋgano icifanira kuʋuŋganidzwa, munofanira kuridza, asi musaridzisa. 8Ʋanakomana ʋaAroni, ʋaprista, ndiʋo ʋanofanira kuridza hwamanda; ŋgaɀiʋe tsika kwamuri nokusiŋgaperi kuȿikira kumarudzi enyu ose. 9Kana mucindorwa munyika yenyu nomuʋeŋgi unokumanikidzai, munofanira kuridzisa nehwamanda; ipapo mucaraŋgarirwa pamberi paJehova Mŋari wenyu, mugoponeswa paʋaʋeŋgi ʋenyu. 10Ʋuye nomusi wamunofara nawo, napamitambo yenyu yakatarwa, napakutaŋga kwemŋedzi yenyu, munofanira kuridza hwamanda pamsoro peɀipiriso ɀenyu ɀinopiswa, napamsoro peɀiɓayiro ɀeɀipiriso ɀokuyananisa, kuti Jehova akuraŋgarirei naɀo; ndini Jehova Mŋari wenyu.
ƲaIsraeri ʋanosimuka paSinai.
11Ɀino negore recipiri, nomŋedzi wecipiri, nezuʋa ramakumi maʋiri romŋedzi, gore rakasimudzwa pamsoro petabernakeri yecipupuriro. 12Ipapo ʋana ʋaIsraeri ʋakasimuka murenje reSinai, kuzofamba nzendo dzaʋo; gore rikandomira murenje reParani. 13Ʋakataŋga kufamba seɀaʋakarairwa naJehova nomuromo waMosesi. 14Pakutaŋga mureza weɓoka raʋana ʋaJuda wakasimuka namapoka aʋo; ɓoka rake rakaŋga ricirairwa naNashoni, mŋanakomana waAminadabi. 15Ƃoka rorudzi rwaʋana ʋaIsakari rakaŋga ricirairwa naNetaneri, mŋanakomana waZuari. 16Ƃoka rorudzi rwaZeburuni rakaŋga ricirairwa naEriabi, mŋanakomana waHeroni. 17Ɀino tabernakeri yakabviswa, ʋanakomana ʋaGershoni naʋanakomana ʋaMerari, ʋatakuri ʋetabernakeri, ʋakasimuka. 18Ɀino mureza weɓoka raRubeni wakasimuka namapoka aʋo; ɓoka rake rakaŋga ricirairwa naErizuri, mŋanakomana waShedeuri. 19Ƃoka rorudzi rwaʋana ʋaSimeoni rakaŋga ricirairwa naSherumieri, mŋanakomana waZurishadai. 20Ƃoka rorudzi rwaʋana ʋaGadi rakaŋga ricirairwa naEriasafi, mŋanakomana waDeureri. 21Ɀino ʋaKohati ʋakasimuka, ʋakatakura imba tȿene; ʋamŋe ʋakamisa tabernakeri iʋo ʋacigere kuȿika. 22Ɀino mureza weɓoka raʋana ʋaEfraimi wakasimuka namapoka aʋo; ɓoka rake rakaŋga ricirairwa naErishama, mŋanakomana waAmihudi. 23Ƃoka rorudzi rwaʋana ʋaManase rakaŋga ricirairwa naGamarieri, mŋanakomana waPedashuri. 24Ƃoka rorudzi rwaʋana ʋaBenjamini rakaŋga ricirairwa naAbidani, mŋanakomana waGideoni. 25Ipapo mureza weɓoka raʋana ʋaDani, ndiʋo ʋokupedzisira pamapoka ose, ʋakasimuka namapoka aʋo; ɓoka rake rakaŋga ricirairwa naAhiezeri, mŋanakomana waAmishadai. 26Ƃoka rorudzi rwaʋana ʋaAsheri rakaŋga ricirairwa naPagieri, mŋanakomana waOkrani. 27Ƃoka rorudzi rwaʋana ʋaNaftari rakaŋga ricirairwa naAhira, mŋanakomana waEnani. 28Ndiko kufamba kwaʋana ʋaIsraeri namapoka aʋo; ʋakasimuka.
29Ɀino Mosesi akati kunaHobabi, mŋanakomana waReueri, muMidiani, mukarabga waMosesi: Toenda kunɀimbo iyo yakanzi naJehova, ndicakupai iyo; endai nesu, tigokuitirai ɀakanaka, nokuti Jehova wakataura ɀakanaka pamsoro paʋaIsraeri. 30Iye akati kwaari: Handiŋgaendi, asi ndicaenda haŋgu kunyika yaŋgu nokuhama dzaŋgu. 31Iye akati: Ndinonyeŋgetera kuti murege henyu kutisiya, ɀamunoziʋa mudzikirwe wamatente eɗu murenje, mucaʋa meso eɗu. 32Kana mukaenda nesu, kana Jehova akatiitira ɀakanaka ɀipi neɀipi, ticakuitirai iɀoɀo ʋo.
33Ɀino ʋakasimuka pagomo raJehova, ʋakafamba mazuʋa matatu; areka yesuŋgano yaJehova ikaʋatuŋgamirira mazuʋa matatu, kuʋatȿakira pokuzorora. 34Gore raJehova rikaʋa pamsoro paʋo masikati pakusimuka kwaʋo pamisasa.
35Ɀino areka yakati yasimuka, Mosesi akati: Simukai Jehova, ʋaʋeŋgi ʋenyu ŋgaʋaparadzwe; naʋanokuʋeŋgai ŋgaʋatize pamberi penyu. 36Ɀino pakuzorora kwayo, akati: Dzokai Jehova, kuɀuru ɀinegumi ɀeɀuru ɀaʋaIsraeri.

Zvasarudzwa nguva ino

Numeri 10: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda