Ɀino kunyunyuta kukuru kwakamuka pakati paʋanhu naʋakadzi ʋaʋo pamsoro pehama dzaʋo ʋaJuda. [kuteŋgesa] Nokuti ʋamŋe ʋakati: Isu naʋanakomana ʋeɗu tiri ʋazhinji; ŋgatipiwe ɀiyo, tidye, tirarame. Ʋamŋe ɀe ʋakati: Isu takaita minda yeɗu ruɓatso, neminda yeɗu yemizambiriŋga, nedzimba dzeɗu; ŋgatipiwe ɀiyo, nokuɗa kwenzara ino. Ʋamŋe ɀe ʋakati: Takakwereta mari, yokuripira nayo mutero wamambo, tikaita minda yeɗu ruɓatso, neminda yeɗu yemizambiriŋga. Kunyaŋge ɀakaɗaro ɀino miʋiri yeɗu yakafanana nemiʋiri yehama dzeɗu, naʋana ʋeɗu ʋakafanana naʋana ʋaʋo; tarirai, tosuŋga ʋanakomana ʋeɗu naʋakunda ʋeɗu, ʋaʋe ʋaranda; ʋamŋe ʋakunda ʋeɗu ʋatosuŋgwa, isu hatinesimba rokuɀidziʋisa, nokuti minda yeɗu neminda yeɗu yemizambiriŋga yatoʋa yaʋamŋe. Ipapo ndakatsamŋa kwaɀo ndicinzwa kucema kwaʋo namashoko iwayo. Ɀino ndakaraŋgarira mumŋoyo maŋgu, ndikaita nharo naʋakuru naʋarairi, ndikati kwaʋari: Imi munoreʋa mhindu, mumŋe nomumŋe pahama yake. Ipapo ndikakoka ʋuŋgano huru pamsoro paʋo. Ndikati kwaʋari: Isu takadzikinura hama dzeɗu ʋaJuda dzakaŋga dzateŋgeswa kuʋahedeni patakagona napo; ɀino imi moɗa‐kuteŋgesa hama dzenyu, moɗa kuti dziteŋgeswe kwatiri here? Ipapo ʋakaramba ʋanyerere, ʋakashaiwa neshoko cose. Ndikati ʋo: Cinhu camunoita cakaipa; ko hamufaniri kufamba mucitya Mŋari weɗu, kuti tirege kushoʋorwa naʋaʋeŋgi ʋeɗu ʋahedeni? Neni ʋo, nehama dzaŋgu naʋaranda ʋaŋgu, takaʋapa cikwerete cemari neɀiyo, ticireʋa mhindu. Haiwa, ŋgatirege mhindu iyo. Dzoserai henyu kwaʋari ikonhasi minda yaʋo, neminda yaʋo yemizambiriŋga, neminda yaʋo yemiorivi, nedzimba dzaʋo, ʋuye nomugoʋe wezana wemari, neɀiyo, newaini, namafuta, wamakatora kwaʋari iri mhindu. Ipapo ʋakati: Ticaɀidzosa, hatiŋgareʋi cinhu kwaʋari; seɀamunotaura, ndiɀo ɀaticaita. Ɀino ndakaɗana ʋaprista, ndikaʋapikisa kuti ʋacaita iɀoɀo ɀakapikirwa.