Ɀino wakataŋga kutaura naʋo nemifananidzo, aciti: Mumŋe munhu wakaŋga asima munda wemizambiriŋga, akaukomba noruzhowa, akacera pokuȿinira, akaʋaka cirindo, akaupa ʋarimi, ndokufamba rwendo. Neŋguʋa yeɀiɓereko akatuma muranda kuʋarimi, kuti apiwe naʋarimi ɀiɓereko ɀomunda wemizambiriŋga. Ʋakamuɓata, ʋakamuroʋa, ʋakamudzosa asina. Akatuma ɀe mumŋe muranda kwaʋari; ʋakamutaka namabge, ʋakamutema musoro, ʋakamunyadza. Akatuma ɀe mumŋe, ʋakamuʋuraya; naʋamŋe ʋazhinji, ʋakaroʋa ʋamŋe, nokuʋuraya ʋamŋe. Ɀino wakaŋga acinomŋanakomana mumŋe, muɗikanwa; akamutuma kwaʋari pakupedzisira, aciti: Ʋacakudza mŋanakomana waŋgu. Asi ʋarimi iʋaʋo ʋakataurirana, ʋaciti: Uyu ndiye mugari wenhaka; ʋuyai timuʋuraye, nhaka igoʋa yeɗu. Ʋakamuɓata, ʋakamuʋuraya, ʋakamuɓuɗisa kunze kwomunda wemizambiriŋga. Ɀino mŋene womunda wemizambiriŋga ucaiteiko? Ucaʋuya, akaparadza ʋarimi iʋaʋo, akapa ʋamŋe ʋarimi munda wemizambiriŋga. Ko hamuna‐kutoŋgoraʋa here rugwaro urwu, runoti:
Ibge rakarashwa naʋaʋaki,
Ndiro rakazoʋa musoro wekona;
Iɀoɀo ɀakaitwa naShe,
Ɀinoshamisa pameso eɗu?
Ipapo ʋakatȿaka kumuɓata, asi ʋakatya ʋanhu ʋazhinji; nokuti ʋakaŋga ʋaciziʋa kuti wakaʋareʋa iʋo nomufananidzo iwoyo; ʋakamusiya, ʋakabva’po.
Ɀino ʋakatuma kwaari ʋamŋe ʋaʋaFarise naʋaHerode, kuti ʋamuɓate pakutaura kwake. Ʋakaʋuya, ʋakati kwaari: Mudzidzisi, tinoziʋa kuti ndimi waɀokwaɗi, musiŋgaraŋgariri ɀinoʋonekwa ɀomunhu; hamutariri ɀiri kunze kwomunhu, asi munodzidzisa nzira yaMŋari neɀokwaɗi: Munhu Unotenderwa kuripira Kesari mutero here, kana kwete? Ticaripa here, kana tirege kuripa? Asi iye aciziʋa kunyeŋgera kwaʋo, akati kwaʋari: Munondiidzireiko? Ʋuyai nedenari kwandiri, ndiriʋone. Ʋakaʋuya naro. Ipapo akati kwaʋari: Mufananidzo uyu norunyoro urwu ndeɀani? Ʋakati kwaari: ⱿaKesari. Jesu akati kwaʋari: Ipai Kesari ɀaKesari, naMŋari ɀaMŋari. Ʋakashamiswa ɀikuru naye.