Mika 1
1
Israeri naJuda ʋacaparadzwa nokuɗa kweɀiʋi ɀaʋo.
1Shoko raJehova, rakaʋuya kunaMika weMoresheti namazuʋa aJotami naAhazi naHezekia, madzimambo aJuda, raakaʋona pamsoro peSamaria neJerusarema.
2Inzwai imi marudzi aʋanhu, imi mose; terera iwe nyika, neɀose ɀiri’mo; Ishe Jehova ŋgaakupupurirei, iye Ishe ari mutembere yake tȿene. 3Nokuti tarirai, Jehova unoɓuɗa panɀimbo yake, ucaɓuruka nokutsika panɀimbo dzakakwirira dzenyika. 4Makomo acanyauka pasi pake, mipata icapamuka senamo yakaiswa pamŋoto, semvura inoɗururwa pamawere. 5Ɀose iɀi ɀinoitwa nokuɗa kwokuɗarika kwaJakobo, ʋuye nokuɗa kweɀiʋi ɀeimba yaIsraeri. Kuɗarika kwaJakobo ndokweiko? Harizi Samaria here? Nɀimbo dzakakwirira dzaJuda ndedzipiko? Harizi Jerusarema here? 6Saka Samaria ndicariita somurwi wamabge musaŋgo, senɀimbo dziŋgasimŋa mizambiriŋga; ndicakandira mabge aro mumupata, ndicifukunura nheyo dzaro. 7Mifananidzo yaro yose yakaʋezwa icaputswa‐putswa, miɓairo yaro yose icapiswa nomŋoto, ʋuye ndicaparadza ɀifananidzo ɀaro ɀose; nokuti rakaɀiʋuŋganidza iɀo uri muɓairo wecifeʋe, naiɀoɀo ɀicadzokera ɀe kumuɓairo wecifeʋe. 8Nemhaka iyi ndicacema nokuwuŋgudza, ndicafamba ndisineŋguʋo ndakashama, ndicawuŋgudza samakaʋa nokurira semhou. 9Nokuti maʋaŋga aro haaɗi kupora, nokuti ɀaȿika kunaJuda ʋo; ɀaȿikira pasuʋo raʋanhu ʋaŋgu, ipo paJerusarema. 10Musaɀireʋa paGati, regai kutoŋgocema; paBeti‐re‐Afra ndakaʋumburuka muguruʋa. 11Cibva uende, iwe ugere Shafiri, wakashama ucinyara; ugere Zaanani haana‐kuɓuɗa; kuwuŋgudza kweBeti‐ezeri kucakutorera pokumira. 12Nokuti ugere Maroti unomirira ɀikuru cinhu cakanaka, nokuti ɀakaipa ɀakaɓuruka ɀicibva kunaJehova ɀikaȿikira kusuʋo reJerusarema. 13Iwe ugere Rakishi, suŋga mabiza paŋgoro; ndiro rakataŋga kuisa mukunda weZioni paɀiʋi, nokuti kuɗarika kwaIsraeri kwakawanikwa mauri. 14Saka iwe ucapa Moresheti‐gati cipo cokuwonekana; dzimba dzeAkzibi dzicaʋa cinhu cinonyeŋgera madzimambo aIsraeri. 15Iwe ugere Maresha, ndicakuʋuyisira mumŋe ucakukunda; ʋakakudzwa ʋaIsraeri ʋacaȿika paAdurami. 16Ɀiitire mhazha, ʋeʋura vudzi rako pamsoro paʋana ʋaunofarira; kurisa mhazha yako seyegondo, nokuti ʋakatapxa kure newe.
Zvasarudzwa nguva ino
Mika 1: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018