Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Jona 4

4
Jona unotsamŋa, asi Jehova unomuraira.
1Asi ɀakaʋodza mŋoyo waJona kwaɀo, akatsamŋa. 2Akanyeŋgetera Jehova, akati: Haiwa, Jehova, ha ndiɀo ɀandakataura, ndiciri munyika yaŋgu here? Saka ndakacimbidzika kutizira Tarshishi; nokuti ndakaŋga ndiciziʋa kuti muri Mŋari unenyasha, uneŋgoni, usiŋgacimbidziki kutsamŋa, uzere noʋunyoro, muciɀiɗemba pamakafuŋga kuʋuyisa ɀakaipa. 3Saka Jehova, ɀino cinditorerai henyu ʋupenyu bgaŋgu; nokuti ɀirinani kwandiri kuti ndife pakuti ndirarame. 4Jehova akati: Ɀakanaka here ɀawatsamŋa? 5Ipapo Jona akaɓuɗa muguta, akandogara kurutiʋi rwamabvazuʋa rweguta, akaɀiʋakira’po musasa, ndokugara’mo mumumvuri, aciti ndigoʋona ɀicaitirwa guta. 6Jehova Mŋari ndokuraira muti womucindwe, akaumeresa kumsoro kwaJona, kuti uʋe mumvuri pamusoro wake, shuŋgu dzake dzinyaradzwe. Ɀino Jona akafarira kwaɀo muti womucindwe. 7Asi nezuʋa rakateʋera Mŋari wakaraira gonye maŋgwanani, rikamunya mucindwe, ukaȿaʋa. 8Ɀino zuʋa rakati riciɓuɗa, Mŋari akaraira mhepo inopisa inobva mabvazuʋa; zuʋa rikaɓaya musoro waJona, akaziya, akakumbira kuti afe hake, akati: Ɀirinani kwandiri kuti ndife pakuti ndirarame. 9Mŋari akati kunaJona: Ɀakanaka here ɀawatsamŋira mucindwe? Akati: Ɀakanaka kuti nditsamŋe, kuȿikira parufu pamene. 10Jehova akati: Iwe wakaŋga unetsitsi nomuti womucindwe wausina‐kutamburira, kana kuumeresa, iwo, wakamera noʋusiku ʋumŋe, ukaparara ɀe noʋusiku ʋumŋe; 11ko ɀino ini handizaifanira kuʋa netsitsi neNineve, riya guta guru, munaʋanhu ʋanopfuʋura ɀuru ɀinezana namakumi maʋiri, ʋasiŋgaziʋi kuti ruʋoko rwaʋo rworudyi kana ruʋoko rwaʋo rworuɓoshwe ndorupi, ʋuye ɀipfuwo ɀizhinji here?

Zvasarudzwa nguva ino

Jona 4: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda