Jesu wakati apedza kuraira ʋadzidzi ʋake ʋanegumi naʋaʋiri, akapfuʋura kundodzidzisa nokuparidza pamaguta aʋo. Ɀino Johane, ari mutoroŋgo, wakaŋga anzwa maɓasa aKristu, akatuma shoko naʋadzidzi ʋake, aciti kwaari: Ko ndimi iye wakaŋga acinzi unoʋuya here, kana ticakatarira mumŋe? Jesu akapindura, akati kwaʋari: Endai, mundoʋudza Johane ɀamunonzwa neɀamunoʋona; ɀokuti, mapofu anoȿinudzwa, ʋanokamhina ʋanofamba, ʋanamaperembudzi ʋanonatswa, ʋematsi ʋanonzwa, ʋakafa ʋanomutswa, naʋarombo ʋanoparidzirwa Evaŋgeri. Wakaropafadzwa iye usiŋgagumbuswi neni.
Verenga chikamu Mateo 11
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mateo 11:1-6
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo