Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 22:31-53

Ruka 22:31-53 SUB1949

Simoni! Simoni! tarira Satani wakakumbira kuti akuzuŋgurei imi seɀiyo; asi ini ndakakukumbirira iwe, kuti kutenda kwako kurege kupera; iwe kana watendeʋuka, usimbise hama dzako. Akati kwaari: Ishe, ndakaɀigadzirira kuenda nemi mutoroŋgo, kunyaŋge kurufu. Akati: Petro, ndinoti kwauri: Nhasi, joŋgwe risati rarira, ucaramba katatu uciti haundiziʋi. Ɀino akati kwaʋari: Musi wandakakutumai, musinecikwama nehomboɗo neshaŋgu, makashaiwa cinhu here? Ʋakati: Hakuna. Akati kwaʋari: Asi ɀino, unecikwama, ŋgaacitore, nokuɗaro ʋo unehomboɗo; usinomunondo, ŋgaateŋgese ŋguʋo yake, auteŋge. Nokuti ndinoti kwamuri, kuti iɀi ɀakanyorwa ɀinofanira kuitika kwandiri, ɀinoti: Wakaʋereŋgwa pamŋe cete naʋaɗariki ʋomurairo; nokuti iɀo ɀakanyorwa pamsoro paŋgu ɀoitika. Ipapo ʋakati: Ishe, tarirai, heyi minondo miʋiri. Akati kwaʋari: Ɀariŋgana. Ɀino wakaɓuɗa, akaenda kugomo reMiorivi, seɀaaisiita; naʋadzidzi ʋake ʋakamuteʋera. Wakati aȿika panɀimbo iyo, akati kwaʋari: Nyeŋgeterai kuti murege kupinda pakuidzwa. Akaparadzana naʋo, cinhambo ciŋgaȿika ibge, kana rikaposherwa; akafugama, akanyeŋgetera, aciti: Ƃaɓa, kana muciɗa, bvisai mukombe uyu kwandiri! Asi kuɗa kwaŋgu kurege kuitwa, asi kwenyu. Ipapo mutumŋa akaʋonekwa naye, wakabva kuɗeŋga, akamusimbisa. Ɀino, ari pakutambudzika kukuru, wakanyanya kunyeŋgetera; ziya rake rikaita samaɗonhwe eropa, akaɗonhera pasi. Akasimuka pakunyeŋgetera, akaenda kuʋadzidzi, akaʋawana ʋaʋata neshuŋgu dzomŋoyo. Akati kwaʋari: Maʋatireiko? Mukai, munyeŋgetere, kuti murege kupinda pakuidzwa. Wakati acataura, tarira, ʋanhu ʋazhinji, naiye wainzi Judasi, mumŋe waʋanegumi naʋaʋiri, akaʋatuŋgamirira; akasweɗera kunaJesu, kuti amuȿete. Jesu akati kwaari: Judasi, unopandukira Mŋanakomana womunhu nokuȿeta here? Ɀino ʋaiʋa naye ʋakati ʋaciʋona ɀicaitika, ʋakati: Ishe, totema neminondo here? Ipapo mumŋe waʋo akatema muranda womuprista mukuru, akamugura nzeʋe yorudyi. Jesu akapindura, akati: Regai, ɀariŋgana. Akaɓata nzeʋe yake, akamuporesa. Ɀino Jesu akati kuʋaprista ʋakuru naʋakuru ʋetembere, naʋakuru ʋakaŋga ʋaʋuya kwaari kumuɓata: Maɓuɗa neminondo netȿimbo sokugororo here? Ndaiʋa nemi mutembere mazuʋa ose mukasandiɓata; asi ɀino iŋguʋa yenyu nesimba rerima.

Verenga chikamu Ruka 22