Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 17:27-37

Ruka 17:27-37 SUB1949

ʋaidya, nokunwa, nokuwana, nokuwaniswa, kuȿikira zuʋa rakapinda Noa muareka, mvura zhinji ikaȿika, ikaparadza ʋose. seɀaɀakaŋga ɀakaita ʋo namazuʋa aRoti; ʋaidya, nokunwa, nokuteŋga, nokuteŋgesa, nokusima, nokuʋaka; asi nomusi wakaɓuɗa Roti muSodoma, mŋoto nesurferi ɀakanaya, ɀicibva kuɗeŋga, ɀikaʋaparadza ʋose. Ndiɀo ɀaɀicaita ʋo nezuʋa iro, Mŋanakomana womunhu raacaʋonekwa naro. Nezuʋa iro, uri pamsoro peimba, nhumbi dzake dziri mumba, ŋgaarege kuɓuruka kundodzitora; saiɀoɀo ʋo, uri kumunda ŋgaarege kudzokera kuneɀiri shure. Raŋgarirai mukadzi waRoti. Aninani unotȿaka kuŋgwarira ʋupenyu bgake, ucarashikirwa nabgo, ʋuye aninani unorashikirwa nabgo, ucabguraramisa. Ndinoti kwamuri: Ʋusiku ubgo ʋarume ʋaʋiri ʋacaʋa panhoʋo imŋe, mumŋe ucatorwa, mumŋe ucasiyiwa. Ʋakadzi ʋaʋiri ʋacakuya pamŋe cete, mumŋe ucatorwa, mumŋe ucasiyiwa. Ʋaʋiri ʋacaʋa kumunda, mumŋe ucatorwa, mumŋe ucasiyiwa. Ipapo ʋakapindura, ʋakati kwaari: Ipiko, Ishe? Akati kwaʋari: Apo panomutumbu, ndi’po panoʋuŋganira ʋo magora.

Verenga chikamu Ruka 17