Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 11:2-13

Ruka 11:2-13 SUB1949

Akati kwaʋari: Kana mucinyeŋgetera, muti: Ƃaɓa, zita renyu ŋgarikudzwe noʋutȿene; ʋushe bgenyu ŋgabguʋuye; mutipei zuʋa rimŋe nerimŋe ɀokudya ɀeɗu ɀinotiriŋgana; mutikaŋganwirei ɀiʋi ɀeɗu, nokuti nesu tinokaŋganwira ʋose ʋanemhoȿa nesu; musatiisa pakuidzwa. Akati kwaʋari: Ndianiko kwamuri uŋgaʋa neshamŋari, akaenda kwaari pakati poʋusiku, akati kwaari: Shamŋari, ndipose ʋo ɀiŋgwa ɀitatu; nokuti shamŋari yaŋgu iri parwendo yakaȿika kwandiri, ɀino handina‐candiŋgamupakurira. Uri mukati akapindura, akati: Usandinetsa; mukoʋa watopfigwa, naʋana ʋaŋgu ʋaʋa neni panhoʋo; handiŋgamuki ndikakupa. Ndinoti kwamuri: Kunyaŋge asiŋgamuki akamupa, nokuɗa kwokuti ishamŋari yake, kunyaŋge ɀakaɗaro, nokuɗa kwokutsuŋgirira kwake, ucamuka, akamupa ɀose ɀaanoshaiwa. Ndinoti kwamuri: Kumbirai, mucapiwa; tȿakai, mucawana; gogodzai, mucazarurirwa. Nokuti mumŋe nomumŋe unokumbira, unopiwa; unotȿaka, unowana; nounogogodza, unozarurirwa. Ndaʋapiko ɓaɓa pakati penyu, kana mŋanakomana acikumbira ciŋgwa, ʋaŋgamupa ibge here? Kana hoʋe, ʋaŋgamupa nyoka panɀimbo yehoʋe here? Kana akakumbira zai, ʋaŋgamupa cinyaʋaɗa here? Naiɀoɀo kana imi makaipa muciziʋa kupa ʋana ʋenyu ɀipo ɀakanaka, Ƃaɓa ʋenyu ʋari kuɗeŋga ʋacapa ɀikuru sei Mŋeya Mutȿene ʋanokumbira kwaari.

Verenga chikamu Ruka 11