Ruka 11:2-13
Ruka 11:2-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Iye akati kwavari, “Kana muchinyengetera, muti: “ ‘Baba vedu vari kudenga, zita renyu ngarikudzwe noutsvene. Umambo hwenyu ngahuuye. Kuda kwenyu ngakuitwe panyika sezvinoitwa kudenga. Tipei zuva nezuva chingwa chedu chamazuva namazuva. Uye mutiregerere zvivi zvedu; nokuti nesuwo tinoregerera vose vanotitadzira. Musatitungamirira mukuedzwa; uye mutinunure pane zvakaipa.’ ” Ipapo akati kwavari, “Kana mumwe wenyu ane shamwari, uye akaenda kwaari pakati pousiku akati, ‘Shamwari, ndikweretesewo zvingwa zvitatu, nokuti shamwari yangu iri parwendo yasvika kwangu, uye ini handina chandingamupa.’ “Ipapo uya ari mukati akati, ‘Rega kundinetsa. Mukova wangu watopfigwa, uye vana vangu neni tavata. Handikwanisi kumuka kuti ndikupe kana chinhu.’ Ndinokuudzai, kuti kunyange asingazomuki kuti amupe chingwa nokuda kwokuti ishamwari yake, asi nokuda kwokushingirira kwomunhu uyu, achamuka agomupa zvose zvaanoda. “Saka ndinoti kwamuri: Kumbirai, muchapiwa, tsvakai, muchawana; gogodzai, muchazarurirwa mukova. Nokuti ani naani anokumbira achapiwa; anotsvaka achawana; anogogodza, achazarurirwa mukova. “Ndiani pakati penyu vanababa, angati, kana mwanakomana wake amukumbira hove, omupa nyoka pachinzvimbo chehove? Kana kuti akakumbira zai, angamupa chinyavada here? Zvino kana imi, kunyange makaipa zvenyu, muchiziva kupa zvipo zvakanaka kuvana venyu, Baba venyu vari kudenga vachapa zvikuru sei Mweya Mutsvene kuna vanomukumbira!”
Ruka 11:2-13 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Akati kwavari, “Kana muchinyengetera, muti, ‘Baba, zita renyu ngarikudzwe nohutsvene; ushe hwenyu ngahuuye; mutipe zuva rimwe nerimwe zvokudya zvedu zvinotiringana; mutikanganwire zvivi zvedu, nokuti nesu tinokanganwira vose vane mhosva nesu; musatiisa mukuedzwa.’ ” Akati kwavari, “Ndianiko kwamuri angava neshamwari; akaenda kwaari pakati pousiku, akati kwaari, ‘Shamwari ndiposewo zvingwa zvitatu; nokuti shamwari yangu iri parwendo yakasvika kwandiri, zvino handina chandingamupakurira.’ Ari mukati akapindura, akati, ‘Usandinetsa; musuo watopfigwa, navana vangu vava neni panhoo; handingamuki ndikakupa.’ “Ndinoti kwamuri, kunyange asingamuki akamupa, nokuda kwokuti ishamwari yake, achamuka, akamupa zvose zvaanoshaiwa nokusa kwokutsungirira kwake. Ndinoti kwamuri, kumbirai, muchapiwa; tsvakai, muchawana; gogodzai, muchazarurirwa. “Nokuti mumwe nomumwe anokumbira, anopiwa; anotsvaka, anowana; neanogogodza, anozarurirwa. Ndavapiko baba pakati penyu, kana mwanakomana achikumbira chingwa, vangamupa ibwe here? Kana hove, vangamupa nyoka panzvimbo yehove here? Kana akakumbira zai, vangamupa chinyavada here? Naizvozvo kana imi makaipa muchiziva kupa vana venyu zvipo zvakanaka, Baba venyu vari kudenga vachapa zvikuru sei Mweya Mutsvene vanokumbira kwaari.”
Ruka 11:2-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Iye akavati, “Kana mava kunamata, itii, “ ‘Baba zita renyu ngariyereswe umambo hwenyu ngahuuye.’ Tipeiwo chokudya chedu chezuva nezuva. Mutiregerereiwo zvitadzo zvedu. Nokuti isu pachedu tinoregererawo vose vanotitadzira. Musatitungamirire mukuedzwa.” Jesu akati kwavari, “Ndiani wenyu ane shamwari inouya kwaari pakati pousiku yoti kwaari, ‘Shamwari, ndikweretesewo zvingwa zvitatu nokuti imwe shamwari yangu iri parwendo yasvika, zvino handina chokumuperekera.’ Achapindura nechomukati achiti, ‘Usandinetse, gonhi rakiiwa; vana vangu neni tatovata; handichagoni kumuka kuti ndiwane chokukupa.’ Ndinokuudzai kuti angarege zvake kumuka achimupa chinhu pamusana pokuti ishamwari yake asi pamusana pokugwavarira kwake anotomuka achimupa zvose zvaanoda. Ndinokutaurirai kuti, “ ‘Kumbirai muchapiwa Tsvakai muchawana Gogodzai muchazarurirwa nokuti wose anokumbira anopiwa anotsvaka anowana uye anogogodza achazarurirwa.’ “Ndibaba vapi pakati penyu vanoti kana mwana wavo avakumbira hove vanomupa nyoka panze pokumupa hove. Uye kuti kana akumbira zai vomupa rize. Zvino kana imi vaipi kudai muchiziva kupa zvipo zvakanaka kuvana venyu; ko kutozoti Baba vokudenga, vanopa zvakadii Mweya Mutsvene kuna vanomukumbira.”
Ruka 11:2-13 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Akati kwaʋari: Kana mucinyeŋgetera, muti: Ƃaɓa, zita renyu ŋgarikudzwe noʋutȿene; ʋushe bgenyu ŋgabguʋuye; mutipei zuʋa rimŋe nerimŋe ɀokudya ɀeɗu ɀinotiriŋgana; mutikaŋganwirei ɀiʋi ɀeɗu, nokuti nesu tinokaŋganwira ʋose ʋanemhoȿa nesu; musatiisa pakuidzwa. Akati kwaʋari: Ndianiko kwamuri uŋgaʋa neshamŋari, akaenda kwaari pakati poʋusiku, akati kwaari: Shamŋari, ndipose ʋo ɀiŋgwa ɀitatu; nokuti shamŋari yaŋgu iri parwendo yakaȿika kwandiri, ɀino handina‐candiŋgamupakurira. Uri mukati akapindura, akati: Usandinetsa; mukoʋa watopfigwa, naʋana ʋaŋgu ʋaʋa neni panhoʋo; handiŋgamuki ndikakupa. Ndinoti kwamuri: Kunyaŋge asiŋgamuki akamupa, nokuɗa kwokuti ishamŋari yake, kunyaŋge ɀakaɗaro, nokuɗa kwokutsuŋgirira kwake, ucamuka, akamupa ɀose ɀaanoshaiwa. Ndinoti kwamuri: Kumbirai, mucapiwa; tȿakai, mucawana; gogodzai, mucazarurirwa. Nokuti mumŋe nomumŋe unokumbira, unopiwa; unotȿaka, unowana; nounogogodza, unozarurirwa. Ndaʋapiko ɓaɓa pakati penyu, kana mŋanakomana acikumbira ciŋgwa, ʋaŋgamupa ibge here? Kana hoʋe, ʋaŋgamupa nyoka panɀimbo yehoʋe here? Kana akakumbira zai, ʋaŋgamupa cinyaʋaɗa here? Naiɀoɀo kana imi makaipa muciziʋa kupa ʋana ʋenyu ɀipo ɀakanaka, Ƃaɓa ʋenyu ʋari kuɗeŋga ʋacapa ɀikuru sei Mŋeya Mutȿene ʋanokumbira kwaari.
Ruka 11:2-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)