Joshua 2
2
Joshua unotuma ʋanhu ʋaʋiri kundoshora Kanani.
1Ɀino Joshua, mŋanakomana waNuni, wakatuma ʋarume ʋaʋiri pakaʋanda, ʋacibva Shitimi, kuti ʋandoshora, aciti: Endai mundotarira nyika neJeriko. Ʋakaenda, ʋakapinda muimba yecifeʋe, cainzi Rakabi, ʋakaʋata’po. 2Ɀino mambo weJeriko akaʋudzwa, ɀicinzi: Tarirai, ʋarume ʋaʋana ʋaIsraeri ʋakapinda muno ʋusiku bguno kuzoshora nyika. 3Ɀino mambo weJeriko akatuma shoko kunaRakabi, akati: Ƃuɗisa ʋarume ʋakaȿika kwauri, ʋapinda mumba mako, nokuti ʋaʋuya kuzoshora nyika yose. 4Mukadzi akatora ʋarume aʋo ʋaʋiri, akaʋaʋanza, akati: Hoŋo, ʋarume ʋakaȿika haʋo kwandiri, asi ndakaŋga ndisiŋgaziʋi kuti ʋaibve’pi. 5Ɀino neŋguʋa yokupfigwa kwesuʋo, kwaȿiɓa, ʋarume ʋakaɓuɗa ɀe; kwaʋakazoenda iʋo ʋarume, ini handikuziʋi; kurumidzai kuʋateʋera, nokuti muŋgandoʋaɓata. 6Asi wakaŋga aʋakwidza pamsoro peɗeŋga, akaʋaʋanza pasi poʋutanda bgamasosoʋori, bgakaŋga bgakaroŋgwa naye paɗeŋga. 7Ʋarume ʋakaʋateʋerera nenzira inoenda Joridani, kuȿikira kumazambuko; ɀino ʋakaʋateʋerera ʋakati ʋaɓuɗa, suʋo rikazarirwa. 8Ɀino ʋacigere kuʋata, Rakabi ndokukwira kwaʋari pamsoro peɗeŋga, 9akati kuʋarume: Ndinoziʋa kuti Jehova wakakupai nyika, tinokutyai kwaɀo, ʋanhu ʋose ʋagere munyika ʋavunduka pamberi penyu. 10Nokuti takanzwa kuti Jehova wakapxisa mvura yeGuŋgwa Dɀuku pamberi penyu, ŋguʋa yokuɓuɗa kwenyu Egipita, neɀamakaitira madzimambo maʋiri aʋaAmori, ʋakaŋga ʋari mhiri kwaJoridani, iʋo Sihoni naOgi, ʋamakaparadza cose. 11Ɀino pakarepo takati ticinzwa iɀoɀo mŋoyo yeɗu ikavunduka, hakunomunhu ucinokutsuŋga pamŋoyo pake nokuɗa kwenyu, nokuti Jehova Mŋari wenyu, ndiye Mŋari kuɗeŋga kumsoro napanyika pasi. 12Naiɀoɀo ɀino ndipikirei henyu naJehova, kuti ɀandakakuitirai ɀakanaka, nemi ʋo mucaitira imba yaɓaɓa ʋaŋgu ɀakanaka; mundipei ʋo ciratidzo cakasimba, 13kuti mucararamisa ɓaɓa ʋaŋgu namai ʋaŋgu nehanɀadzi dzaŋgu naʋanuŋuna ʋaŋgu, neɀose ɀaʋanaɀo, nokurwira ʋupenyu bgeɗu parufu. 14Ipapo ʋarume ʋakati kwaari: Isu ŋgatife panɀimbo yenyu, kana musiŋgaɓuɗisi pacena ɓasa reɗu iri; kana Jehova acitipa nyika iyi, ticakuitira ɀakanaka neɀokwaɗi. 15Ipapo akaʋaɓurusira pasi neɓote napawindi, nokuti imba yake yakaŋga iri pamsoro poruȿiŋgo rweguta, naiye wakaŋga agere pamsoro poruȿiŋgo. 16Akati kwaʋari: Tizirai henyu kumakomo, kuti ʋateʋeri ʋarege kusoŋgana nemi, muʋande’po mazuʋa matatu, kuȿikira ʋateʋeri ʋadzoka; pashure muŋgaenda henyu. 17Ɀino ʋarume ʋakati kwaari: Hatiŋgasuŋgwi nemhiko yako iyi yawakatipikisa. 18Tarira, ŋguʋa yatinopinda panyika ino, unofanira kusuŋgira ɓote iri dɀuku rakakoshwa pawindi pawakatiɓurusira pasi napo; unofanira ʋo kuʋuŋganidza mumba mako ɓaɓa ʋako, namai ʋako, nehanɀadzi dzako, naʋose ʋeimba yaɓaɓa ʋako. 19Ɀino aninani unoɓuɗa kunze kwemikoʋa yeimba vako, ropa rake ricaʋa pamsoro pomusoro wake, asi isu hatiŋgaʋi nemhoȿa; aninani unewe mumba mako, ropa rake ricaʋa pamsoro pemisoro yeɗu, kana akaitirwa ɀakaipa noruʋoko rwomunhu. 20Asi kana ukaɓuɗisa pacena ɓasa reɗu iri, isu hatiŋgasuŋgwi nemhiko yako yawakatipikisa. 21Iye akati: Ŋgaɀiitwe seɀamakataura; akaʋaendisa, ʋakabva, iye ndokusuŋgira ɓote dɀuku pawindi. 22Iʋo ʋakaenda, ʋakaȿika kumakomo, ʋakagara’po mazuʋa matatu, kuȿikira ʋateʋeri ʋadzoka; ʋateʋeri ʋakaʋatȿaka panzira iyo yose, asi haʋana‐kuʋawana. 23Ɀino ʋarume aʋo ʋaʋiri ʋakadzoka, ʋakaɓuruka pamakomo, ʋakayambuka, ʋakaȿika ɀe kunaJoshua, mŋanakomana waNuni; ʋakamuʋudza ɀose ɀaʋakaŋga ʋaitirwa. 24Ʋakati kunaJoshua: Ɀirokwaɀo, Jehova wakaisa nyika yose pamaʋoko eɗu; ʋuye ʋanhu ʋose ʋagere panyika iyo ʋavunduka pamberi peɗu.
Zvasarudzwa nguva ino
Joshua 2: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018