Jobo 41
41
1Ko uŋgagona kuɓata ŋgwena neciredzo,
Kana kutsikirira rurimi rwayo norwonzi here?
2Uŋgagona kupinza rwauro pamhino dzayo,
Kana kuʋurura rushaya rwayo necikokoʋonho?
3Ko iŋgakunyeŋgetera ɀikuru here?
Kana iŋgataura mashoko manyoro kwauri?
4Iŋgaita suŋgano newe here,
Kuti uiite muranda wako nokusiŋgaperi?
5Uŋgatamba nayo seɀauŋgaita neshiri here?
Kana uŋgaisuŋga kuti ʋanasikana ʋako ʋatambe nayo?
6Mapoka aʋaɓati ʋehoʋe aŋgaiteŋgesa here?
Ʋaŋgaigoʋera ʋateŋgi?
7Uŋgagona kuzadza ganda rayo nemiseʋe yenzeʋe here,
Kana musoro wayo namapfumo ehoʋe?
8Isa ruʋoko rwako pamsoro payo;
Raŋgarira kurwa, hauŋgapamhidzi ɀe.
9Tarira, tariro yake hapana;
Munhu haaŋgaʋori mŋoyo nokuiʋona ɓedzi here?
10Hakunomunhu unotyisa uŋgatsuŋga kuiʋamba,
Ɀino ndianiko uŋgagona kumira pamberi paŋgu here?
11Ndinaniko wakataŋga kundipa, kuti ndifanire kumuripira ɀe?
Ɀose ɀiri pasi peɗeŋga rose ndeɀaŋgu.
12Handiŋganyarari kurondedzera mitezo yayo,
Kana simba rayo, kana muturu wayo wakanaka.
13Ndianiko uŋgagona kubvisa ŋguʋo yayo yokunze?
Ndianiko uŋgapinda pakati pemisara miʋiri yameno ayo?
14Ndianiko uŋgagona kuzarura mikoʋa yeciso cayo?
Pameno payo panotyisa kwaɀo.
15Makwande ayo, anesimba, ndiko kuɀikudza kwayo;
Akaɓatanidzwa necisimbiso cakaɓata.
16Ari pedyo nepedyo,
Mhepo haigoni kupinda napakati pawo.
17Akaɓatanidzwa;
Anonamatirana, haaŋgaparadzaniswi.
18Kuhotsira kwayo kunopenya ciedza;
Meso ayo akafanana namafuŋgiro amaŋgwanani.
19Mumuromo mayo munoɓuɗa mazhenje anopfuta;
Masasaradzi omŋoto anoɓarika acibva’mo.
20Ʋutsi ʋunoɓuɗa pamhino dzayo,
Sapahari inoʋira nenhokwe dzinopfuta.
21Mŋeya wayo unoɓatidza masimbe,
Ʋuye muraɀo womŋoto unoɓuɗa mumuromo mayo.
22Simba rinogara mumutsipa wayo,
Kutyisa kunotamba pamberi payo.
23Nyama dzayo dzakaɓatanidzwa kumatiʋi ose,
Dzakasimba pairi, hadziŋgazunuŋguswi.
24Mŋoyo wayo wakasimba sebge;
Ɀirokwaɀo, wakasimba seguyo.
25Kana icisimuka, ʋanesimba ʋanotya;
Ʋanopeŋga nokuvunduswa.
26Kana munhu akaitema nomunondo, haunesimba;
Kunyaŋge nepfumo, kana nomuseʋe, kana matare anopinza.
27Iyo inoti matare mashaŋga,
Ʋuye ndarira ɗanda rakaʋora.
28Museʋe hauŋgaitizisi;
Mabge anoposhwa necifuramabge inoti makoto.
29Tȿimbo dzakaita samakoto;
Inoseka kana icinzwa kuwuŋga kweɓakatwa.
30Pasi payo pakafanana neɀaeŋga ɀinoceka;
Inoita sokukwekweredza cireyi cinembambo mumatope.
31Inoʋirisa mvura yakadzika sehari;
Inoita guŋgwa samafuta okuzora.
32Inotara nzira inopenya shure kwayo;
Ɀimŋe munhu uŋgati, mvura yakadzika yacena vudzi.
33Panyika hapana‐cakafanana nayo,
Cakaitwa cisina‐kutya.
34Inoʋona ɀose ɀakakwirira;
Ndiyo mambo weɀikara ɀose ɀinoɀikudza.
Zvasarudzwa nguva ino
Jobo 41: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018