Jobo 3
3
Jobo unotuka zuʋa rokuɓerekwa kwake.
1Shure kwaiɀoɀo Jobo wakashamisa muromo wake, akatuka zuʋa rake.
2Jobo akapindura akati:
3Zuʋa randakaɓerekwa naro ŋgariroʋe,
Noʋusiku ubgo bgaʋakati: Mŋana womukomana wagamucirwa.
4Zuʋa iro ŋgariʋe rima;
Mŋari ŋgaarege kuriraŋgarira ari kumsoro,
Neciedza ŋgacirege kurivenekera.
5Rima nomumvuri worufu ŋgaɀiritore riʋe raɀo;
Gore ŋgarigare pamsoro paro;
Ɀose ɀinoȿiɓisa zuʋa ŋgaɀirivunduse.
6Kana ʋuri ʋusiku ubgo, ŋgaʋuɓatwe nerima guru;
Ŋgaʋurege kufara pakati pamazuʋa egore;
Ŋgaʋurege kurabga pakati pemŋedzi.
7Ʋusiku ubgo ŋgaʋurege kuɓereka;
Inzwi romufaro ŋgarirege kupinda maʋuri.
8Ʋanotuka zuʋa iro ŋgaʋaʋutuke ʋo,
Iʋo ʋanogona kumutsa shato huru.
9Nyeredzi dzamambakwedza abgo ŋgadziȿiɓe;
Ŋgaʋumirire ciedza, asi ʋucishaiwe;
Ŋgaʋurege kuʋona fuŋgiro dzameso amaŋgwanani;
10Ɀaʋusina‐kupfiga mikoʋa yemimba yamai ʋaŋgu,
Kana kuʋanza kutambudzika pameso aŋgu.
11Ndakaregereiko kufa ndiciri mumimba?
Ndakaregerei kuparara ndiciɓuɗa muɗumbu,
12Mabvi akandigamucirireiko?
Kana mazamu, kuti ndimŋe?
13Nokuti ndiŋgaɗai ɀino ndakatandaʋara, ndinyerere;
Ndiŋgaɗai ndiʋete: ipapo ndiŋgaɗai ndazorora;
14Pamŋe cete namadzimambo namakurukota enyika
Ʋakaɀiʋakira matoŋgo;
15Kana namacinda, aiʋa nendarama,
Akazadza dzimba dzawo nesirveri;
16Kana ndiŋgaɗai ndisina‐kuʋa’po somŋana wakaponiwa ŋguʋa isina‐kuȿika;
Saʋacece ʋasina‐kutoŋgoʋona ciedza.
17Ʋakaipa ʋanorega kutambudza kwaʋo ipapo;
Ʋakaneta ʋanozorora ipapo.
18Ʋasuŋgwa ʋanorugare pamŋe cete ipapo;
Haʋanzwi inzwi romutariri.
19Ʋaɗuku naʋakuru ʋari’po;
Ʋuye muranda wakasunuŋguka panatenzi wake.
20Munhu uri panjodzi unopiyirweiko ciedza,
Noʋupenyu kunouneshuŋgu pamŋoyo;
21Aʋo ʋanoshuʋa rufu, asi haruʋuyi;
Ʋanorucera kupfuʋura fuma yakaʋanzwa pasi;
22Ʋanopembera kwaɀo,
Nokufara, kana ʋaciwana bgiro?
23Munhu, wakadzimira nzira yake, unopiyirweiko ʋupenyu,
Iye wakadziʋirirwa norumhanda naMŋari?
24Nokuti ndinogomera ndisati ndadya,
Kuʋuʋura kwaŋgu kunoɗururwa semvura.
25Nokuti cinhu candaitya candiwira,
Necandinozeza candiʋiŋga.
26Handinamufaro, kana kunyarara, kana kuzorora;
Asi njodzi inoŋgosiʋuya.
Zvasarudzwa nguva ino
Jobo 3: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018