Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Jobo 2

2
Satani unoroʋa Jobo pamuʋiri wake namaronda.
1Ɀino rimŋe zuʋa ɀe ʋanakomana ʋaMŋari ʋakati ʋacindomira pamberi paJehova, Satani akaȿika ʋo pakati paʋo, akamira pamberi paJehova. 2Jehova akati kunaSatani: Wabvepiko? Satani akapindura Jehova, akati: Ndabva pakupota‐pota nenyika, napakufamba‐famba pairi. 3Jehova akati kunaSatani: Wacerekedza muranda waŋgu Jobo here? Nokuti hakunomunhu wakafanana naye panyika, munhu wakakwana, wakarurama, unotya Mŋari, acinɀeŋga ɀakaipa; naɀino unorambira pakururama kwake, kunyaŋge iwe wakandikurudzira kuti ndimuparadze asinemhaka. 4Satani akapindura Jehova, akati: Ganda rinotsibga neganda, ɀose ɀaanaɀo munhu uŋgaɀiisira ʋupenyu bgake. 5Asi tambanudzai ruʋoko rwenyu ɀino, muroʋe mafupa ake nenyama yake, ipapo ucakushoʋorai pacena. 6Jehova akati kunaSatani: Tarira, iye uri paruʋoko rwako; asi kwoga urege ʋupenyu bgake. 7Naiɀoɀo Satani akabva pamberi paJehova, akaroʋa Jobo namaronda akaipa, kubva patsoka dzake kuȿikira pamusoro wake. 8Akatora caeŋga akaɀikwenya naco; akagara pasi pakati pamaɗota. 9Ipapo mukadzi wake akati kwaari: Ucarambira naɀino pakururama kwako here? Shoʋora Mŋari, ufe hako. 10Asi iye wakati kwaari: Iwe unotaura seɀinotaura mumŋe waʋakadzi mapenzi. Tiŋgagamucira ɀakanaka ɓedzi paruʋoko rwaMŋari, tikasagamucira ɀakaipa ʋo here? Paɀinhu iɀi ɀose Jobo haana‐kutadza nomuromo wake.
Shamŋari dzaJobo dzinomushanyira.
11Ɀino shamŋari nhatu dzaJobo dzakati dzicinzwa ɀakaipa ɀose ɀakaŋga ɀamuwira, dzikaʋuya mumŋe nomumŋe acibva kwake, dzaiti Erifazi muTemani, naBirdadi muShuhi, naZofari muNaamati; ʋakatenderana kundomuɗemba nokumunyaradza. 12Ɀino ʋakati ʋacitarira ʋaciri kure, ʋakasamuziʋa, ʋakacema kwaɀo, mumŋe nomumŋe akabvarura ŋguʋo yake, ʋakakushira guruʋa kuɗeŋga pamisoro yaʋo. 13Ipapo ʋakagara pasi naye mazuʋa manomŋe noʋusiku ʋunomŋe, asi hakuna‐nomumŋe wakataura naye kunyaŋge shoko rimŋe; nokuti ʋakaʋona kuti njodzi yake yakaŋga iri huru kwaɀo.

Zvasarudzwa nguva ino

Jobo 2: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda