Jobo 15
15
Erifazi unotuka Jobo aciti unoɀikudza pamberi paMŋari. Kana ʋari ʋakaipa haʋanezororo.
1Ipapo Erifazi muTemani wakapindura, akati:
2Ko munhu, unenjere, uŋgapindura nenjere dzisinamaturo,
Nokuzadza ɗumbu rake nemhepo inobva mabvazuʋa here?
3Uŋgaita nharo nokutaura ɀisiŋgaɓatsi,
Kana mashoko aasiŋgagoni kuɓate‐ɓasa rakanaka nawo here?
4Ɀirokwaɀo iwe unorasha kutya Mŋari,
Nokukaŋganisa ʋanoɗa kufuŋga Mŋari.
5Nokuti ɀakaipa ɀako ɀinodzidzisa muromo wako,
Unotsaura rurimi rwaʋanyeŋgeri.
6Muromo wako ndiwo unokupemhoȿa, handizi’ni.
Ɀirokwaɀo miromo yako inokupupurira ɀakaipa.
7Ko ndiwe wakataŋga kuɀarwa kanhi?
Kana wakaɓerekwa makomo asati aʋa’po here?
8Iwe wakanzwa mano akaʋanzika aMŋari kanhi?
Ndiwe woga wakaɀiwanira njere kanhi?
9Unoziʋei iwe ɀatisiŋgaziʋi ʋo isu?
Unonzwisisei iwe ɀisati ɀiri matiri ʋo?
10Ʋakacena vudzi naʋatana ʋakwegura kwaɀo ʋane’su,
Ʋakapfuʋura ɓaɓa ʋako kwaɀo pazero.
11Ko kunyaradza kwaMŋari hakukuriŋgani here,
Neshoko rinotaurwa noʋunyoro kwauri here?
12Mŋoyo wako unokurashirei?
Meso ako anobgaireiko?
13Ɀaunorwa naMŋari nomŋeya wako,
Ucitendera mashoko akaɗai kuɓuɗa pamuromo wako.
14Munhu cinyiko? Uŋgaʋa wakanaka sei?
Naiye wakaɀarwa nomukadzi, uŋgaʋa wakarurama sei?
15Tarira, haatendi ʋatȿene ʋake;
Ɀirokwaɀo, kuɗeŋga hakuno‐kunaka pamberi pake.
16Ndoɗa munhu unosemesa, wakaʋora,
Munhu unonwa ɀakaipa semvura.
17Ndicakuratidza, citerera;
Ndicakuɗudzira ɀandakaʋona:
18(Ɀakarebga naʋanhu ʋakaŋgwara
Ɀaʋakanzwa kumadziɓaɓa aʋo, ʋasina‐kuɀiʋanza;
19Iʋo ʋakaŋga ʋapiwa nyika ʋoga,
Hakuno‐mutorwa wakapinda pakati paʋo;)
20Munhu wakaipa unotambudzika acirwadziwa mazuʋa ake ose,
Iwo makore akatarirwa mumanikidzi.
21Inzwi reɀinotyisa riri munzeʋe dzake;
Muparadzi ucamuȿikira akafara.
22Haatendi kuti ucadzoka ɀe acibva parima,
Unoʋandirwa nomunondo.
23Unofamba‐famba acitȿaka ɀokudya, aciti: Ɀiripiko?
Unoziʋa kuti zuʋa rerima riri pedyo naye;
24Njodzi nokutambudzika ɀinomutyisa;
Ɀinomukunda, samambo wakaɀigadzirira kurwa.
25Nokuti wakatambanudzira ruʋoko rwake kuzorwa naMŋari,
Akaɀikudza pamberi poWamasimba ose;
26Unomhanyira kwaari anomutsipa mukukutu,
Namakwande makobvu enhoʋo dzake.
27Nokuti wakafukidza ciso cake namafuta,
Akaʋuŋganidza mafuta mazhinji paciʋuno cake.
28Wakagara pamaguta akaŋga aʋa matoŋgo,
Padzimba dzisina‐kufanira kugarwa nomunhu,
Dzaikaro‐kushanduka matoŋgo.
29Iye haaŋgaʋi mufumi, fuma yake haiŋgagari,
Neɀiɓereko ɀaɀo haɀiŋgaremberi pasi.
30Haaŋgabvi parima;
Muraɀo womŋoto ucawomesa mataʋi ake,
Ucabviswa nomŋeya womuromo waMŋari.
31Ŋgaarege kuʋimba neɀisinamaturo, aciɀinyeŋgera;
Nokuti muɓairo wake ucaʋa ɀisinamaturo.
32Ɀicaitwa ŋguʋa yake isino‐kuȿika,
Ƌaʋi rake hariŋgaʋi nyoro.
33Ucazuka mazambiriŋga ake agere kuibva somuzambiriŋga,
Ucazuka maruʋa ake somuorivi.
34Nokuti ʋuŋgano yaʋasiŋgaɗi Mŋari haiŋgaɓereki,
Mŋoto ucapedza matente aʋafufuri.
35Ʋanemimba yeɀakashata, ʋanoɓereka ɀakaipa,
Ƌumbu raʋo rinogadzira kunyeŋgera.
Zvasarudzwa nguva ino
Jobo 15: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018