Aʋa maŋgwana ʋanhu ʋazhinji, ʋakaŋga ʋamire mhiri kweguŋgwa, ʋakaʋona kuti pakaŋga pasinerimŋe igwa ɗuku ipapo, asi iro rimŋe makaŋga mapinda ʋadzidzi ʋake, mariri, ʋuye kuti Jesu haana‐kupinda mugwa naʋadzidzi ʋake, asi kuti ʋadzidzi ʋake ʋakaŋga ʋaenda ʋoga. (Asi mamŋe magwa maɗuku akaŋga abva Tiberiasi, akaȿika pedyo paʋakadyira ɀiŋgwa, Ishe amboʋoŋga). Ɀino ʋanhu ʋazhinji ʋakati ʋaʋona, kuti Jesu haa’po, naʋadzidzi ʋake, ʋakapinda ʋamene mumagwa maɗuku, ʋakaȿika Kapernaume, ʋacitȿaka Jesu. Ɀino ʋakati ʋamuwana mhiri kweguŋgwa, ʋakati kwaari: Rabi, maʋuya pano riniko? Jesu akaʋapindura, akati: Ɀirokwaɀo, ɀirokwaɀo, ndinoti kwamuri: Hamunditȿaki nokuti makaʋona ɀiratidzo, asi nokuti makadya ɀiŋgwa mukaguta. Musaɓatira ɀokudya ɀinopera, asi ɀokudya ɀinogara kuʋupenyu bgusiŋgaperi, ɀamucapiwa noMŋanakomana womunhu; nokuti Ƃaɓa, Mŋari, ʋakaisa cisimbiso kwaari. Ɀino ʋakati kwaari: Ticaiteiko, kuti tiɓate maɓasa aMŋari? Jesu akapindura, akati kwaʋari: Ƃasa raMŋari ndiro, kuti mutende kunaiye waakatuma. Ɀino ʋakati kwaari: Munoita ciratidzo cipiko, kuti tiʋone, tikutendei? Imi munoɓateiko? Madziɓaɓa eɗu akadya mana murenje, seɀaɀakanyorwa, ɀicinzi: Wakaʋapa ciŋgwa cakabva kuɗeŋga, kuti ʋadye. Ɀino Jesu akati kwaʋari: Ɀirokwaɀo, ɀirokwaɀo, ndinoti kwamuri: Wakaŋga asi iye Mosesi, wakakupai ciŋgwa cakabva kuɗeŋga, asi ndiƂaɓa ʋaŋgu ʋanokupai ciŋgwa caɀokwaɗi, cinobva kuɗeŋga. Nokuti ciŋgwa caMŋari ndico cinoɓuruka kuɗeŋga, cinopa nyika ʋupenyu. Ɀino ʋakati kwaari: Ishe, tipei ciŋgwa ici misi yose. Jesu akati kwaʋari: Ndini ciŋgwa coʋupenyu; unoʋuya kwandiri, haaŋgatoŋgoʋi nenzara, nounotenda kwandiri haaŋgatoŋgoʋi nenyota. Asi ndakakuʋudzai, kuti makandiʋona, asi hamutendi. Ɀose Ƃaɓa ɀaʋanondipa ɀicaʋuya kwandiri; nounoʋuya kwandiri, handiŋgatoŋgomurashiri kunze. Nokuti handina‐kuɓuruka kuɗeŋga, kuti ndiite kuɗa kwaŋgu, asi kuɗa kwowakandituma. Kuɗa kwowakandituma ndiko, kuti paɀose ɀaakandipa, ndirege kurashikirwa necimŋe, asi kuti ndicimutse nezuʋa rokupedzisira. Nokuti kuɗa kwaƂaɓa ʋaŋgu ndiko, kuti mumŋe nomumŋe, unotarira Mŋanakomana, nokutenda kwaari, aʋe noʋupenyu bgusiŋgaperi; neni ndicamumutsa nezuʋa rokupedzisira.
Ɀino ʋaJuda ʋakaŋuŋuna pamsoro pake, nokuti wakati: Ndini ciŋgwa cakaɓuruka kuɗeŋga. Ʋakati: Uyu haazi Jesu, Mŋanakomana waJosefa, watinoziʋa ɓaɓa namai ʋake here? Ɀino uŋgagoti seiko: Ndakaɓuruka kuɗeŋga? Jesu akapindura, akati kwaʋari: Musaŋuŋuna pakati penyu. Hakunomunhu uŋgaʋuya kwandiri, kana Ƃaɓa, ʋakandituma, ʋasiŋgamukweʋi; neni ndicamumutsa nezuʋa rokupedzisira.