Ɀino mazuʋa matanhatu paseka icigere kuȿika, Jesu wakaȿika Betania, paiʋa naRazaro, wakaɗeya kumutswa naJesu kuʋakafa. Ʋakamuitira’po cirayiro; Marta akaʋashandira; naRazaro wakaŋga ari mumŋe waʋakaŋga ʋagere naye pakudya. Ɀino Maria akatora paundi yamafuta enardo, anomuteŋgo mukuru, akazodza tsoka dzaJesu, akapisika tsoka dzake nevudzi rake; imba ikazadzwa nokunhuwira kwamafuta. Ipapo mumŋe waʋadzidzi ʋake, Judasi Iskarioti, wakaŋga acazomupandukira, akati: Mafuta awa akaregereiko kuteŋgeswa namadenari mazana matatu, akapiwa ʋarombo? Asi haana‐kureʋa iɀoɀo kuri kuti wakaraŋgarira ʋarombo, asi nokuti waiʋa mbava; waigara necikwama, acisiɓa ɀaiiswa’mo. Asi Jesu wakati: Muregei, aɀiceŋgetere zuʋa rokuʋigwa kwaŋgu. Nokuti ʋarombo munaʋo ŋguʋa dzose; asi ini hamuneni ŋguʋa dzose.
Ɀino ʋanhu ʋazhinji‐zhinji ʋokuʋaJuda ʋakanzwa kuti uri’po; ʋakaʋuya, asi haʋana‐kuʋuya nokuɗa kwaJesu ɓedzi, asi kuti ʋaʋone ʋo Razaro, waakaŋga amutsa kuʋakafa. Asi ʋaprista ʋakuru ʋakaraŋgana kuti ʋaʋuraye naRazaro ʋo, nokuti nokuɗa kwake ʋaJuda ʋazhinji ʋakaŋga ʋacibva kwaʋari, ʋacitenda kunaJesu.
Ɀino aʋa maŋgwana ʋanhu ʋazhinji‐zhinji, ʋakaŋga ʋaʋuya kumutambo, ʋakati ʋanzwa kuti Jesu woʋuya Jerusarema, ʋakatora mashizha emicindwe, ʋakaɓuda kundomuciŋgamidza, ʋakaɗanidzira, ʋaciti: Hosana! Ŋgaarumbidzwe unoʋuya muzita raShe, Mambo waʋaIsraeri. Jesu akati awana mŋana wemboŋgoro, akagara pamsoro payo, seɀaɀakanyorwa, ɀicinzi: Usatya, mukunda weZioni; tarira Mambo wako unoʋuya, agere pamsoro pemhuru yemboŋgoro. Ʋadzidzi ʋake haʋana‐kunzwisisa iɀoɀi pakutaŋga; asi Jesu wakati akudzwa, ʋakazoraŋgarira, kuti iɀoɀo ɀakaŋga ɀanyorwa pamsoro pake, ʋuye kuti ʋakaŋga ʋamuitira iɀoɀo. Ɀino ʋanhu ʋazhinji ʋaiʋa naye pakuɗana kwake Razaro kuti abve mubgiro, nokumumutsa kuʋakafa, ʋakapupura. Saka ʋazhinji ʋakamuciŋgamidza ʋo, nokuti ʋakaŋga ʋanzwa, kuti wakaita ciratidzo iceco. Ipapo ʋaFarise ʋakataurirana, ʋaciti: Munoʋona henyu kuti hamugoni cinhu; tarirai, nyika yose yamuteʋera.