Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Johane 11:47-57

Johane 11:47-57 SUB1949

Naiɀoɀo ʋaprista ʋakuru naʋaFarise ʋakaʋuŋganidza makurukota, ʋakati: Toɗiniko? nokuti uyu unoita ɀiratidzo ɀizhinji. Kana tikamurega aciɗaro, ʋanhu ʋose ʋacatenda kwaari; naʋaRoma ʋacaʋuya ʋakatitorera nɀimbo yeɗu norudzi rweɗu. Ɀino mumŋe waʋo, Kayafasi, wakaŋga ari muprista mukuru gore iro, akati kwaʋari: Hamuziʋi cinhu, imi, ʋuye hamuraŋgariri kuti ɀirinani kwamuri, kuti munhu mumŋe afire ʋanhu, rudzi rwose rurege kufa. Haana‐kureʋa iɀoɀo pacake, asi, ɀaakaŋga ari muprista mukuru gore iro, wakaprofita kuti Jesu waifanira kufira rudzi; rusati ruri rudzi rwoga, asi kuti aʋuŋganidze pamŋe cete ʋana ʋaMŋari ʋakapararira. Ɀino kubva pazuʋa iro ʋakaraŋgana, kuti ʋamuʋuraye. Naiɀoɀo Jesu haana‐kuzofamba pacena pakati paʋaJuda, asi wakabva’po, akaenda kunyika iri pedyo nerenje, kuguta rainzi Efraimi; akagara’ko naʋadzidzi ʋake. Ɀino paseka yaʋaJuda yakaŋga yaʋa pedyo, ʋanhu ʋazhinji ʋenyika iyo ʋakakwira Jerusarema, paseka isati yaȿika, kuti ʋaɀinatse. Ɀino ʋakatȿaka Jesu, ʋakataurirana ʋamire mutembere, ʋaciti: Munoti kuɗiniko? Munoti haaŋgaʋuyi kumutambo here? Ɀino ʋaprista ʋakuru naʋaFarise ʋakaŋga ʋaraira, kuti, aninani kana aciziʋa kwaari, aʋaziʋise, kuti ʋandomuɓata.

Verenga chikamu Johane 11