ɀino Jehova waɀiȿitsa, akaita seɀaakataura; ɀamakatadzira Jehova, mukasaterera inzwi rake, nemhaka iyo cinhu ici cakaʋuya pamsoro penyu. Ɀino tarira, ndinokusunuŋgurira nhasi maketani ari paruʋoko rwako. Kana uciti ɀakanaka kuenda neni Babironi, ciʋuya, ini ndicakuceŋgeta ɀakanaka; asi kana uciti ɀakaipa kuenda neni Babironi, cirega hako; tarira, nyika yose iri pamberi pako; cienda hako kwaunoti ɀakanaka neɀakarurama kuti uende.
Verenga chikamu Jeremia 40
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Jeremia 40:3-4
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo