Jeremia 40:3-4
Jeremia 40:3-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvino Jehovha aita kuti zviitike, aita sezvaakareva kuti achaita. Izvi zvose zvakaitika nokuti imi vanhu makatadzira Jehovha uye hamuna kumuteerera. Asi nhasi ndinokusunungura kubva pangetani dziri mumaoko ako. Uya tiende tose kuBhabhironi, kana uchida, ini ndichakuchengeta; asi kana usingadi, usauya. Tarira, nyika yose iri pamberi pako; enda hako kwose kwaunoda.”
Jeremia 40:3-4 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
zvino Jehovha wazvisvitsa, akaita sezvaakataura; zvamakatadzira Jehovha, mukasaterera inzwi rake, nemhaka iyo chinhu ichi chakauya pamusoro penyu. “Zvino tarira, ndinokusunungurira nhasi maketani ari paruoko rwako. Kana uchiti zvakanaka kuenda neni Bhabhironi, chiuya, ini ndichakuchengeta zvakanaka; asi kana uchiti zvakaipa kuenda neni Bhabhironi, chirega hako; tarira, nyika yose iri pamberi pako; chienda hako kwaunoti zvakanaka nezvakarurama kuti uende.”
Jeremia 40:3-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Tenzi aita kuti zviitike akaita sezvaakamboreva, nokuti makatadzira Tenzi mukasateerera inzwi rake saka izvi zvakuwirai. Zvino, chinzwa, nhasi uno ndinokusunungura ngetani idzi mumaoko mako. Kana uchiona zvakakunakira kuti tiende tose kuBhabhironi, ngatiende, ndichazokuchengetawo zvakanaka. Asi kana uchiona zvakakuipira kuti tiende tose kuBhabhironi, usauye zvako. Chiona nyika ndiyoyi yose yauri kuona iyi! Enda hako kose kose kwaunofunga kuti ndiko chaiko kwakakunakira.
Jeremia 40:3-4 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
ɀino Jehova waɀiȿitsa, akaita seɀaakataura; ɀamakatadzira Jehova, mukasaterera inzwi rake, nemhaka iyo cinhu ici cakaʋuya pamsoro penyu. Ɀino tarira, ndinokusunuŋgurira nhasi maketani ari paruʋoko rwako. Kana uciti ɀakanaka kuenda neni Babironi, ciʋuya, ini ndicakuceŋgeta ɀakanaka; asi kana uciti ɀakaipa kuenda neni Babironi, cirega hako; tarira, nyika yose iri pamberi pako; cienda hako kwaunoti ɀakanaka neɀakarurama kuti uende.
Jeremia 40:3-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)