Jeremia 30
30
Jehova ucasunuŋgura ʋanhu ʋake.
1Shoko, rakaʋuya kunaJeremia ricibva kunaJehova, riciti: 2Ɀanzi naJehova, Mŋari waIsraeri: Nyora mashoko ose andakakuʋudza mubuku. 3Nokuti, tarirai, mazuʋa anoʋuya — ndiɀo ɀinotaura Jehova — andicadzosa ʋanhu ʋaŋgu ʋaIsraeri naJuda pakutapxa kwaʋo — ndiɀo ɀinotaura Jehova; ndicaʋadzosera kunyika yandakapa madziɓaɓa aʋo, iʋe yaʋo.
4Awa ndiwo mashoko akataura Jehova pamsoro paIsraeri napamsoro paJuda. 5Nokuti ɀanzi naJehova: Takanzwa inzwi rinoɗeɗeresa, rinotyisa, risati riri rorugare. 6Bvunzai ɀino muʋone kana murume uŋgagona kusurumuka; ndinoʋonereiko murume mumŋe nomumŋe akaisa maʋoko ake paciʋuno cake somukadzi unosurumuka, neɀiso ɀose ɀakaceneruka? 7Maiwe! Nokuti zuʋa iro iguru, hakuna‐rakafanana naro; iŋguʋa yokutambudzika kwaJakobo; asi ucasunuŋgurwa paɀiri. 8Ɀino nezuʋa iro — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo — ndicavuna joko rake pamutsipa wako, ndicaɗambura ɀisuŋgu ɀako; ʋatorwa haʋaŋgazomuiti muranda waʋo; 9asi ʋacashumira Jehova Mŋari waʋo, naDavidi mambo waʋo, wandicaʋamutsira. 10Naiɀoɀo usatya hako, iwe Jakobo muranda waŋgu — ndiɀo ɀinotaura Jehova; usavunduka hako, iwe Israeri, nokuti tarira, ndicakuponesa uri kure, naʋana ʋako kunyika kwaʋakatapirwa; Jakobo ucadzoka, ucagara akagadzikana anorugare, hakuna‐uŋgamutyisa. 11Nokuti ndinewe, kuti ndikuponese — ndiɀo ɀinotaura Jehova; nokuti ndicagumisa cose marudzi ose kwandakakuparadzira, asi iwe handiŋgakugumisi cose; asi ndicakuraŋga nokururama, handiŋgatoŋgokuregi usinokurobga.
12Nokuti ɀanzi naJehova: Kukuʋadzwa kwako hakubviri kuporeswa, ʋaŋga rako rakaipa kwaɀo. 13Hakuna‐unoreʋerera mhaka yako, kuti urapxe; haunemishoŋga inoporesa. 14Ʋose ʋaikuɗa ʋakukaŋganwa, haʋakuʋiŋgi, nokuti ndakakukuʋadza neʋaŋga romuʋeŋgi, ʋuye nokuroʋa kwounehasha, nokuɗa kwoʋukuru bgeɀakaipa ɀako, nokuti ɀiʋi ɀako ɀakaŋga ɀawanda. 15Unocemeiko pamsoro pokukuʋadzwa kwako? Kurwadziwa kwako hakubviri kuporeswa. Ndakakuitira ɀinhu iɀi, nokuɗa kwoʋukuru bgeɀakaipa ɀako, nokuti ɀiʋi ɀako ɀakaŋga ɀawanda. 16Naiɀoɀo ʋose ʋanokudya ʋacadyiwa ʋo; ʋadziʋisi ʋako ʋose, mumŋe nomumŋe waʋo, ʋacatapxa; ʋanokupamba ʋacapambga, ʋose ʋanokuparadza, ndicaʋaisa kukuparadzwa. 17Nokuti ndicakudzosera mufaro pamuʋiri, ndicakuporesa maʋaŋga ako — ndiɀo ɀinotaura Jehova — ɀaʋakakutumidza zita rinonzi Murashwa, ʋaciti: NdiZioni ɀaro, hakunomunhu unehanya naro. 18Ɀanzi naJehova: Ndicadzosa ɀe kutapxa kwamatente aJakobo, nokunzwira ʋugaro bgake tsitsi; guta ricaʋakwa pamsoro pegomo raro, imba yamambo icagarwa seɀakafanira. 19Kuʋoŋga nenzwi raʋanofara ricaɓuɗa’po; ndicaʋawanza, haʋaŋgaʋi ʋashoma, ndicaʋakudza ʋarege kuʋa ʋaɗuku. 20Ʋana ʋaʋo ʋacaʋa sakare, neʋuŋgano yaʋo icamiswa pamberi paŋgu, ndicaroʋa ʋose ʋanoʋamanikidza. 21Mucinda waʋo ucaʋa mumŋe waʋo, muɓati waʋo ucaɓuɗa pakati paʋo; ndicamusweɗedza, asweɗere kwandiri; nokuti ndianiko wakatsuŋga kusweɗera kwandiri? — ndiɀo ɀinotaura Jehova. 22Imi mucaʋa ʋanhu ʋaŋgu, neni ndicaʋa Mŋari wenyu.
23Tarirai, ɗutu guru remhepo yaJehova, idzo hasha dzake, raɓuɗa, riri ɗutu guru rinesimba; ricaputsikira pamisoro yaʋakaipa. 24Kutsamŋa kukuru kwaJehova hakuŋgadzoki, kuȿikira apedza, kuȿikira aita ɀose ɀaakafuŋga mumŋoyo make; mucaɀinzwisisa pamazuʋa okupedzisira.
Zvasarudzwa nguva ino
Jeremia 30: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018