Jeremia 20
20
Jeremia unosuŋgwa nokurobga nomuprista Pashuri.
1Ɀino Pashuri, mŋanakomana womuprista Imeri, mutariri mukuru mumba maJehova, wakanzwa Jeremia aciprofita ɀinhu iɀi. 2Ipapo Pashuri wakaroʋa muprofita Jeremia, akamusuŋga mumatanda aiʋa pasuʋo rokumsoro raBenjamini, raiʋa mumba maJehova. 3Ɀino fume maŋgwanani Pashuri akasunuŋgura Jeremia pamatanda. Ipapo Jeremia akati kwaari: Jehova haanakukutumidza zita rinonzi Pashuri, asi rinonzi Magori‐misabibi. 4Nokuti ɀanzi naJehova: Tarira, ndinokuita cinhu cinotyisa, cicakutyisa iwe umene neshamŋari dzako dzose; ʋacaparadzwa nomunondo waʋaʋeŋgi ʋaʋo, meso ako acaɀiʋona; ndicaisa Juda rose mumaʋoko amambo weBabironi, iye ucaʋatapira Babironi, nokuʋaʋuraya nomunondo. 5Ʋuye ɀe, ndicaisa fuma yose yeguta rino, neɀose ɀaʋakawana, neɀose ɀaʋo ɀinokosha, ɀirokwaɀo, nefuma yose yamadzimambo aJuda, ndicaɀiisa mumaʋoko aʋaʋeŋgi ʋaʋo; iʋo ʋacaʋapamba, nokuʋatapa, nokuenda naʋo Babironi. 6Newe Pashuri, naʋose ʋagere mumba mako, mucatapxa; iwe ucandoȿika Babironi, ucandofira’po, nokuʋigwa’po, iwe neshamŋari dzako dzose, dzawaiprofitera nhema.
7Imi Jehova makandigombedzera, ndikagombedzerwa; imi munesimba kupfuʋureni, mukakunda; ndakaitwa cinhu cinosekwa zuʋa rose, mumŋe nomumŋe unondiseka. 8Nokuti ndinoti kana ndotaura, ndoɗanidzira; ndinoɗanidzira, ndiciti: Ɀinoitwa nesimba nokuparadza! nokuti shoko raJehova rakaitwa kwandiri cinhu cinoshoʋorwa, necinhu cinosekwa zuʋa rose. 9Kana ndiciti: Handicamuraŋgariri, kana kutaura nezita rake, ipapo mumŋoyo maŋgu maʋa somŋoto unopfuta, wakapfigirwa mumafupa aŋgu; ndaneta nokutsuŋgirira, handicagoni. 10Nokuti ndakanzwa makuhwa aʋazhinji, ɀinotyisa pamatiʋi ose. Pomerai, isu tigomupomera, ndiɀo ɀinotaura shamŋari dzaŋgu dzose dzinoɗikanwa neni, ʋanotarira kuparadzwa kwaŋgu; ɀimŋe ucanyeŋgerwa, tikamukunda, tikaɀitsiʋira kwaari. 11Asi Jehova uneni semhare inotyisa; saka ʋamanikidzi ʋaŋgu ʋacagumburwa, haʋaŋgakundi; ʋacanyadziswa kwaɀo, nokuti haʋana‐kuita noʋucenjeri, nokunyadzwa kusiŋgaperi, kusiŋgazokaŋganikwi. 12Asi imi Jehova wehondo, imi, munoidza ʋakarurama, munoʋona itȿo nomŋoyo, ŋgandiʋone kutsiʋa kwenyu kwaʋari; nokuti ndakakuzarurirai imi mhaka yaŋgu. 13Imbirai Jehova, rumbidzai Jehova; nokuti wakarwira mŋeya wounoshaiwa pamaʋoko aʋaiti ʋeɀakaipa.
14Zuʋa randaɓerekwa naro ŋgaritukwe; zuʋa randakaɓerekwa namai ʋaŋgu ŋgarirege kuropafadzwa. 15Munhu ŋgaatukwe wakaziʋisa ɓaɓa ʋaŋgu shoko rokuti: Maɓerekerwa mŋanakomana, akaʋafadza kwaɀo. 16Munhu uyo ŋgaaʋe samaguta akaparadzwa naJehova, akasaɀiɗemba; ŋgaanwe kucema maŋgwanani nemhere paŋguʋa yamasikati; 17ɀaakarega kundiʋuraya ndiciri muciɀaro; saiɀoɀo mai ʋaŋgu ʋaŋgaɗai ʋaiʋa bgiro bgaŋgu, ʋairamba ʋanemimba. 18Ndakaɓuɗireiko paciɀaro, kuti ndiʋone kutambudzika nokucema, kuti mazuʋa aŋgu apere nokunyadziswa?
Zvasarudzwa nguva ino
Jeremia 20: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018