Jeremia 18
18
Shoko romuʋumbi wehari.
1Shoko rakaʋuya kunaJeremia, ricibva kunaJehova, riciti: 2Simuka, uɓurukire kuimba yomuʋumbi wehari, ipapo ndicakuziʋisa mashoko aŋgu. 3Ɀino ndakaɓurukira kuimba yomuʋumbi wehari, ndikamuwana aciɓate‐ɓasa pamakuyo. 4Ɀino mudziyo waakaŋga aciita nevu wakati washatiswa mumaʋoko omuʋumbi, akaʋumba ɀe naro mumŋe mudziyo, seɀaakafuŋga iye muʋumbi wehari.
5Ipapo shoko raJehova rakaʋuya kwandiri riciti: 6Ɀanzi naJehova: Nhai, imi imba yaIsraeri, handiŋgagoni kuita nemi seɀinoita muʋumbi uyu wehari here? Tarirai, ivu seɀarakaita muruʋoko rwomuʋumbi wehari, ndiɀo ɀamakaita muruʋoko rwaŋgu, imi imba yaIsraeri. 7Neŋguʋa yandicataura pamsoro porudzi rwaʋanhu, napamsoro poʋushe, kuti ndicarudzura, nokuruputsa, nokuruparadza; 8kana rudzi urwo, rwandakataura ɀinhu iɀi pamsoro parwo, rukaɀidzora paɀakaipa ɀarwo, ini ndicaɀiɗemba pamsoro peɀakaipa ɀandakafuŋga kuʋaitira. 9Ʋuye neŋguʋa yandicataura pamsoro porudzi rwaʋanhu, napamsoro poʋushe, kuti ndicaruʋaka nokurusima; 10kana ʋakaita ɀinhu ɀakaipa pamberi paŋgu, ʋakasaterera inzwi raŋgu, ipapo ndicaɀiɗemba pamsoro peɀakanaka ɀandakaŋga ndiciti ndicaʋaitira. 11Naiɀoɀo ɀino, taura naʋanhu ʋaJuda naʋagere Jerusarema, uti: Ɀanzi naJehova: Tarirai, ndinokufuŋgirai ɀakaipa, ndinoraŋgana mano akaipa pamsoro penyu; ɀino dzokai mumŋe nomumŋe panzira yake yakaipa, mugadzire nzira dzenyu namaɓasa enyu. 12Asi iʋo ʋanoti: Haɀinamaturo, nokuti ticafamba seɀatinofuŋga, mumŋe nomumŋe weɗu ucaita noʋukukutu bgomŋoyo wake wakaipa.
13Naiɀoɀo ɀanzi naJehova: Ɀino bvunzai pakati pamarudzi, kuti ndiani wakambonzwa ɀakaɗai; mhandara yaIsraeri yakaita cinhu cakaipa kwaɀo. 14Ko cando cakacena capaRebanoni ciŋgashaikwa paɗombo rokusaŋgo here? Mvura inotonhora, inoyerera icibva kure, iŋgapxa here? 15Nokuti ʋanhu ʋaŋgu ʋakandikaŋganwa, ʋakapisira ʋamŋari ʋenhema ɀinonhuwira; iʋo ʋakagumbuswa panzira dzaʋo, pamakwara akare‐kare, kuti ʋafambe nenzira dzinotsauka, panzira isina‐kugadzirwa; 16kuti ʋaite nyika yaʋo cishamiso necinoridzirwa murudzi nokusiŋgaperi; mumŋe nomumŋe unopfuʋura’po ucashamiswa, nokudzuŋgudza musoro wake. 17Ndicaʋaparadzira pamberi paʋaʋeŋgi ʋaʋo seɀinoita mhepo inobva kumabvazuʋa; ndicaʋafuratira, handiŋgaʋatariri neciso, nezuʋa rokutambudzika kwaʋo.
18Ipapo ʋakati: Ʋuyai, tiraŋgane mano akaipa pamsoro paJeremia; nokuti murairo hauŋgashaikwi kumuprista, kana kurairira kunowakacenjera, kana shoko kumuprofita. Ʋuyai, timuroʋe norurimi, tirege kuʋa nehanya nerimŋe ramashoko ake.
19Jehova, nditererei, munzwe inzwi raʋanokakaʋara neni. 20Ɀakaipa ɀiŋgatsibga neɀakanaka here? Nokuti ʋakacerera mŋeya waŋgu gomba. Raŋgarirai kumira kwaŋgu pamberi penyu kuti ndiʋareʋerere ɀakanaka, kuti nditsause kutsamŋa kwenyu kwaʋari. 21Saka sundirai ʋana ʋaʋo panzara, muʋaregere pasimba romunondo; ʋakadzi ʋaʋo ŋgaʋatorerwe ʋana ʋaʋo, ʋaʋe cirikadzi; ʋarume ʋaʋo ŋgaʋaʋurawe norufu, namajaya aʋo aʋurawe nomunondo pakurwa. 22Kucema ŋgakunzwike padzimba dzaʋo, kana muciʋaʋuyisira kamŋe‐kamŋe ɓoka raʋarwi; nokuti ʋakacera gomba, kuti ʋandiɓate; ʋakaʋanzira tsoka dzaŋgu misuŋgo. 23Asi imi Jehova munoziʋa mano aʋo ose aʋakaɗa kundiʋuraya nawo; musaʋakaŋganwira ɀakaipa ɀaʋo, kana kudzima ɀiʋi ɀaʋo pamberi penyu; asi ŋgaʋawisirwe pasi pamberi penyu; muʋaitire ɀamunoɗa neŋguʋa yokutsamŋa kwenyu.
Zvasarudzwa nguva ino
Jeremia 18: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018