Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Jakobo 4:1-7

Jakobo 4:1-7 SUB1949

Kurwa nokukakaʋara pakati penyu ɀinobvepiko? Haɀibvi pakuciʋa kwenyu, kunorwa pamitezo yenyu here? Munociʋa, asi hamunecinhu; munoʋuraya, munogoɗorana, musiŋgagoni kuwana cinhu; munokakaʋara, mucirwa; hamunecinhu, nokuti hamukumbiri. Munokumbira, musiŋgapiwi; nokuti munokumbira ɀakaipa, kuti muɀiparadze pakuciʋa kwenyu. Imi ʋoʋutere, hamuziʋi here kuti ʋushamŋari bgenyika bgunoʋeŋgana naMŋari? Naiɀoɀo mumŋe nomumŋe, unoɗa kuʋa shamŋari yenyika, unoɀiita muʋeŋgi waMŋari. Munofuŋga kuti Rugwaro runotaura pasina here, ruciti: Mŋeya, waakagarisa mukati meɗu unotishuʋa negoɗo? Asi unopa nyasha dzakapfuʋura. Saka Rugwaro runoti: Mŋari unodziʋisa ʋanoɀikudza, asi unopa nyasha ʋanoɀininipisa. Naiɀoɀo muɀiise pasi paMŋari: dziʋisai Diaborosi, agokutizai.

Verenga chikamu Jakobo 4