Kurwa nokukakavara pakati penyu zvinobvepiko? Hazvibvi pakuchiva kwenyu, kunorwa pamitezo yenyu here? Munochiva, asi hamuna chinhu; munouraya, munogodorana, musingagoni kuwana chinhu; munokakavara, muchirwa; hamuna chinhu, nokuti hamukumbiri. Munokumbira, musingapiwi; nokuti munokumbira zvakaipa, kuti muzviparadze pakuchiva kwenyu. Imi voutere, hamuzivi here kuti ushamwari hwenyika hunovengana naMwari? Naizvozvo mumwe nomumwe, anoda kuva shamwari yenyika, anozviita muvengi waMwari. Munofunga kuti Rugwaro runotaura pasina here, ruchiti, “Mweya, waakagarisa mukati medu anotishuva negodo?” Asi anopa nyasha dzakapfuura. Saka Rugwaro runoti, “Mwari anodzivisa vanozvikudza, asi anopa nyasha vanozvininipisa.” Naizvozvo muzviise pasi paMwari; dzivisai Dhiabhori, agokutizai.
Verenga chikamu Jakobho 4
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Jakobho 4:1-7
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo