Isaya 64
64
1Haiwa, ɗai maibvarura ɗenga, mukaɓuruka, makomo akaɗeɗera pamberi penyu, 2seɀinoita mŋoto kana ucipisa ʋutsotso, nomŋoto kana uciʋirisa mvura, kuti muziʋise ʋadziʋisi ʋenyu zita renyu, kuti marudzi aɗeɗere pamberi penyu! 3Paŋguʋa yamakaita ɀinhu ɀinotyisa, ɀatakaŋga tisina‐kutarira, mukaɓuruka, makomo akaɗeɗera pamberi penyu. 4Nokuti kubva paŋguʋa yakare ʋanhu haʋana‐kunzwa, kana kunzwisisa nenzeʋe, kunyaŋge neziso harina‐kuʋona Mŋari kunze kwenyu, iye unoɓatira ʋanomumirira. 5Munosoŋgana nounofarira kuita ɀakarurama, iʋo ʋanokuraŋgarirai panzira dzenyu; tarirai, makaŋga makatsamŋa, nesu takatadza; takaŋga takaɗaro ŋguʋa refu, ɀino tiŋgaponeswa here? 6Nokuti isu tose taʋa sounetȿina, kururama kweɗu kwose kwafanana neŋguʋo inetȿina; isu tose tinowoma seshizha, ɀakaipa ɀeɗu ɀinotibvisa semhepo. 7Hakuna‐unoɗana zita renyu, unoɀimutsa kuti akunamatireyi; nokuti makatiʋanzira ciso cenyu, mukatinyuŋgurusa neɀakaipa ɀeɗu. 8Asi ɀino Jehova, muri Ƃaɓa ʋeɗu; isu tiri ivu, imi muri muʋumbi weɗu, isu tose tiri ɓasa roruʋoko rwenyu. 9Regai kutsamŋa ɀikuru, Jehova, ʋuye regai kuraŋgarira ɀakaipa ɀeɗu nokusiŋgaperi; tarirai, ɗoʋonai, tiri ʋanhu ʋenyu. 10Maguta enyu matȿene ashanduka renje, Zioni rashanduka renje, Jerusarema raʋa ɗoŋgo. 11Imba yeɗu tȿene, yakanakisa, pamakarumbidzwa namadziɓaɓa eɗu, yatȿa nomŋoto; nɀimbo dzeɗu dzose, dzataifarira, dzaparadzwa. 12Jehova, muŋgaɀidzora nokuɗa kweɀinhu iɀi here? Mucaramba munyerere, mucititambudza ɀikuru here?
Zvasarudzwa nguva ino
Isaya 64: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018