Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Isaya 35:3-10

Isaya 35:3-10 SUB1949

Simbisai maʋoko asinesimba, mutsigire mabvi anoɗeɗera. Itiyi kunaʋanemŋoyo inotya: Simbai, musatya! Tarirai, Mŋari wenyu ucaʋuya nokutsiʋa, nokuripira kwaMŋari; ucaʋuya acikuponesai. Ipapo meso amapofu acaȿinudzwa, nenzeʋe dzematsi dzicadziʋurwa. Ipapo unokamhina ucakwakuka senondo, rurimi rwembeʋeʋe rucaimba; nokuti mvura zhinji icadzutuka murenje, nehoʋa dzemvura musaŋgo. Jeca, rinopisa, ricashanduka dziʋa, nevu, rinenyota, ɀituɓu ɀemvura; paʋugaro bgamakaʋa, paaiʋata, pacaʋa noʋuswa, netsaŋga nenhokwe. Ipapo pacaʋa nomugwagwa, nenzira, icanzi, Nzira yoʋutȿene; unetȿina haaŋgafambi nayo, asi icaʋa yaʋo; ʋanofamba nayo, kunyaŋge ari mapenzi, haʋaŋgarashiki. Hapaŋgaʋi neshumba, kunyaŋge necikara haciŋgafambi’po; haɀiŋgawanikwi’po, asi ʋakadzikinurwa ndiʋo ʋacafamba’po; ʋakasunuŋgurwa ʋaJehova ʋacadzoka, ʋacaȿika Zioni ʋaciimba; mufaro usiŋgaperi ucaʋa pamisoro yaʋo; ʋacawana mufaro nomŋoyo mucena, kucema nokusuwa kucatiza.

Verenga chikamu Isaya 35