Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Isaya 35:3-10

Isaya 35:3-10 SCLB

Simbisai maoko akaregedzera musimbise mabvi akarengwendeka. Itii kune vane mwoyo unotya, “Simbai mwoyo, regai kutya. Tarirai muone, Mwari wenyu ari kuuya kuzotsividza nokutsividza kwaMwari, achizogadziridza zvamakakanganisirwa, achauya okununurai.” Maziso amapofu achasvinudzwa, nzeve dzamatsi dzichivhurwa. Ipapo mheta makumbo dzichachirika semhene, rurimi rwechimumumu ruchaimba norufaro nokuti murenje muchaita mafashamo emvura, mugwenga muchaita tukova twemvura. Mujecha munopisa muchava madziva, ivhu rine nyota richiva zvitubu zvemvura. Paimbova dambiro ramakava pachava jahwi rine uswa netsanga nenhokwe. Imomo muchava nomugwagwa mukuru uchanzi, “Mugwagwa Unoera.” Vakan'ora havafambi nawo. Hakuna benzi richafamba nawo kundorasisa vanenge vatsaukira kwairi. Kunyange mapenzi avanhu chaiwo haamborasika zvawo imomo. Muchange musina shumba imomo kana chikara chinorura chinotsikamo hazvisi kuzowanikwa imomo. Asi vakanunurwa ndovachafamba zvavo naimomo, vakaponeswa ivavo vaTenzi, vachadzokera vagouya kuZioni vachiimba, pamusoro apa, vakadzika sendaza rufaro runogara narini wose Vachawana kupembera nokufara, kusuwa nokudemba zvichati ware kutiza.

Verenga chikamu Isaya 35