Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Isaya 35

35
Mufaro ucaʋa paZioni.
1Renje nenyika yakawoma ɀicafara; saŋgo ricafara kwaɀo, ricatumbuka seruʋa. 2Ricatumbuka ɀizhinji, nokufara kwaɀo nomufaro nokuimba; ricapiwa kunaka kukuru kweRebanoni, noʋukomba bgeKarmeri neSharoni; ʋacaʋona kunaka kukuru kwaJehova, ibgo ʋukomba bgaMŋari weɗu.
3Simbisai maʋoko asinesimba, mutsigire mabvi anoɗeɗera. 4Itiyi kunaʋanemŋoyo inotya: Simbai, musatya! Tarirai, Mŋari wenyu ucaʋuya nokutsiʋa, nokuripira kwaMŋari; ucaʋuya acikuponesai. 5Ipapo meso amapofu acaȿinudzwa, nenzeʋe dzematsi dzicadziʋurwa. 6Ipapo unokamhina ucakwakuka senondo, rurimi rwembeʋeʋe rucaimba; nokuti mvura zhinji icadzutuka murenje, nehoʋa dzemvura musaŋgo. 7Jeca, rinopisa, ricashanduka dziʋa, nevu, rinenyota, ɀituɓu ɀemvura; paʋugaro bgamakaʋa, paaiʋata, pacaʋa noʋuswa, netsaŋga nenhokwe. 8Ipapo pacaʋa nomugwagwa, nenzira, icanzi, Nzira yoʋutȿene; unetȿina haaŋgafambi nayo, asi icaʋa yaʋo; ʋanofamba nayo, kunyaŋge ari mapenzi, haʋaŋgarashiki. 9Hapaŋgaʋi neshumba, kunyaŋge necikara haciŋgafambi’po; haɀiŋgawanikwi’po, asi ʋakadzikinurwa ndiʋo ʋacafamba’po; 10ʋakasunuŋgurwa ʋaJehova ʋacadzoka, ʋacaȿika Zioni ʋaciimba; mufaro usiŋgaperi ucaʋa pamisoro yaʋo; ʋacawana mufaro nomŋoyo mucena, kucema nokusuwa kucatiza.

Zvasarudzwa nguva ino

Isaya 35: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda

YouVersion inoshandisa macookies kugadzirisa mashandisiro ako. Nekushandisa webhusaiti yedu, unobvuma kushandisa kwedu macookies sekutsanangurwa kwazvakaitwa mu Mutemo wedu weZvakavanzika