Isaya 2
2
Kuɓata ʋushe kwaJehova pamazuʋa okupedzisira.
1Shoko rakaʋonekwa naIsaya, mŋanakomana waAmozi, pamsoro paJuda neJerusarema.
2Pamazuʋa okupedzisira ɀicaitika kuti gomo reimba yaJehova ricasimbiswa pamsoro pamakomo, ricakwiridzwa kupfuʋura ɀikomo; marudzi ose acamhanyira kwariri. 3Ʋanhu ʋazhinji ʋacaenda’ko ʋaciti: Ʋuyai, ŋgatikwire kugomo raJehova, kuimba yaMŋari waJakobo; iye ucatidzidzisa nzira dzake, ticafamba mumakwara ake; nokuti murairo ucabva paZioni, shoko raJehova ricabva Jerusarema. 4Iye ucatoŋga pakati pamarudzi, nokururamisira ʋanhu ʋazhinji; ʋacapfura minondo yaʋo ʋaciiita mapadza, namapfumo aʋo ʋaciaita mapaŋga okucekerera miti; rumŋe rudzi haruŋgazosimudziri rumŋe rudzi munondo, haʋaŋgazodzidzi kurwa.
ƲaIsraeri ŋgaʋadzokere kunaJehova, ʋarashe ɀifananidzo ɀaʋo.
5Iwe imba yaJakobo, ʋuyai tifambe muciedza caJehova. 6Nokuti imi Jehova makasiya ʋanhu ʋenyu ʋeimba yaJakobo, nokuti ʋazere netsika dzinobva mabvazuʋa, ʋanoʋuka saʋaFiristia, ʋanoɓatana maʋoko naʋana ʋaʋatorwa. 7Nyika yaʋo izere nesirveri nendarama, fuma yaʋo haiperi; nyika yaʋo izere ʋo namabiza, neŋgoro dzaʋo dzokurwa hadziperi. 8Nyika yaʋo izere ʋo neɀifananidzo; ʋanonamata ɀakaitwa namaʋoko aʋo, iɀo ɀakaitwa neminwe yaʋo. 9Ʋanhu ʋaɗuku ʋakakotamiswa, naʋakuru ʋakaninipiswa; saka musaʋakaŋganwira. 10Pinda muɗombo, uʋande muguruʋa, nokuɗa kwaJehova unotyisa, ʋuye nokuɗa kwokubginya kwoʋumambo bgake. 11Kuɀikudza kwaʋanhu kucaɗeredzwa, namanyawi aʋanhu acaninipiswa, Jehova oga ucakudzwa nezuʋa iro. 12Nokuti Jehova wehondo unezuʋa rake pamsoro paʋose ʋanoɗaɗa naʋanoɀikudza, naʋanamanyawi; ʋacaɗeredzwa; 13napamsoro pemisidari yose yeRebanoni yakareɓa yakakwirira; napamsoro pemiouki yose yeBashani, 14napamsoro pamakomo ose marefu, napamsoro peɀikomo ɀose ɀakakwirira, 15napamsoro peshoŋgwe dzose refu, napamsoro pamaȿiŋgo ose akasimbiswa, 16napamsoro peɀikepe ɀose ɀeTarshishi, napamsoro peɀifananidzo ɀose ɀinofadza. 17Ʋukuru bgaʋanhu ʋucakotamiswa, nokuɀikudza kwaʋanhu kucaɗeredzwa; Jehova oga ucakudzwa nezuʋa iro. 18Ɀifananidzo ɀicapera cose. 19Ʋanhu ʋacapinda mumapako amatombo, nomumakomba muvu, nokuɗa kwaJehova unotyisa, ʋuye nokuɗa kwokubginya kwoʋumambo bgake, kana acisimuka kuzunuŋgusa nyika nesimba. 20Nezuʋa iro ʋanhu ʋacarasha ɀifananidzo ɀaʋo ɀesirveri neɀifananidzo ɀaʋo ɀendarama, ɀaʋakaɀiitira kuti ʋaɀinamate, ʋaciɀiisa kunhukusa neɀiremŋaremŋa; 21ʋapinde mumapako amatombo, nomumikaha yamatombo makuru, nokuɗa kwaJehova unotyisa, ʋuye nokuɗa kwokubginya kwoʋumambo bgake, kana acisimuka kuzunuŋgusa nyika nesimba. 22Regai munhu, unokufema mumhino dzake; nokuti unoɓatsireiko?
Zvasarudzwa nguva ino
Isaya 2: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018