Isaya 1
1
Jehova unoraira ʋanhu ʋake nokuti ʋakasiya nzira dzake.
1Ɀakaʋonekwa naIsaya, mŋanakomana waAmozi, ɀaakaʋona pamsoro paJuda neJerusarema, pamazuʋa aUziya, naJotami, naAhazi, naHezekiya, madzimambo aʋaJuda.
2Inzwa ɗeŋga rose, terera iwe nyika, nokuti Jehova wakataura, aciti: Ndakarera nokukurisa ʋana, asi ʋakandimukira. 3Nzombe inoziʋa mŋene wayo, nemboŋgoro inoziʋa cidyiro caʋatenzi ʋayo; asi Israeri haʋaziʋi, ʋanhu ʋaŋgu haʋaraŋgariri. 4Haiwa, rudzi runotadza, ʋanhu ʋakaremerwa neɀakaipa, ʋana ʋaʋaiti ʋeɀakaipa, ʋana ʋanoita ɀakaʋora! Ʋakasiya Jehova, ʋakashoʋora Mutȿene waIsraeri, ʋadzokera shure. 5Munoɗa kugara muciroʋerweiko, ɀamunoŋgoramba mucimukira Jehova? Musoro wose unorwadza, nomŋoyo wose waziya. 6Kubvira parutsoka kuȿikira kumusoro hapanapakukutu pauri; asi maronda, napakakuʋara, namaʋaŋga matȿa; haanakuȿinwa, haana‐kuputirwa, kana kunyoroʋeswa namafuta. 7Nyika yenyu yaparadzwa, maguta enyu apiswa nomŋoto, nyika yenyu yopedzwa naʋatorwa imi muri’po, yaparadzwa, seɀinoparadza ʋatorwa. 8Mukunda weZioni wasiyiwa seɗumba mumunda wemizambiriŋga, secirindo mumunda wamagaka, seguta rakakombga nehondo. 9Ƌai Jehova wehondo asina‐kutisiyira ʋakasara ʋashoma‐shoma, tiŋgaɗai takafanana neSodoma, takaita seGomora.
10Inzwai shoko raJehova, imi ʋaɓati ʋeSodoma; tererai murairo waMŋari weɗu, imi ʋanhu ʋeGomora. 11Ɀanzi naJehova: Ɀiɓayiro ɀenyu ɀizhinji ɀinondiɓatsirei? Ndagutisa ɀipiriso ɀenyu ɀinopiswa ɀamakondobge, namafuta eɀipfuwo ɀakakodzwa; handifadzwi neropa renzombe, kana ramakwaiana, kana renhoŋgo. 12Kana muciʋuya kuzondiʋona, ndianiko unoreʋa iɀoɀo pamaʋoko enyu, kuti mutsike maʋazhe aŋgu? 13Musazoʋuya ɀe neɀipo ɀisinamaturo; ɀinonhuwira ɀinondinyaŋgadza; ŋguʋa dzokugara kwomŋedzi nedzamasaɓata, nedzokukokera ʋuŋgano, handiɀiɗi; ɀakaipa, kunyaŋge neʋuŋgano tȿene. 14Ŋguʋa dzenyu dzokugara kwomŋedzi nemitambo yenyu ɀinoʋeŋgwa nomŋeya waŋgu; ɀinondinetsa; ndaneta nokutambudzika naɀo. 15Kana mucitambanudza maʋoko enyu, ndicakuʋanzirai ciso caŋgu; ɀirokwaɀo, kana muciwanza minyeŋgetero, handiŋganzwi; maʋoko enyu azere neropa. 16Shambai, muɀinatse; bvisai ɀakaipa ɀamaɓasa enyu pamberi paŋgu; regai kuramba muciita ɀakaipa; 17dzidzai kuita ɀakanaka; tȿakai kururamisira, ɓatsirai ʋanomanikidzwa, ruramisirai nherera, mureʋerere cirikadzi.
18Ciʋuyai ɀino, titaurirane, ndiɀo ɀinotaura Jehova; kunyaŋge ɀiʋi ɀenyu ɀikaita somuceka mutȿuku, ɀicacena secando; kunyaŋge ɀiri ɀishaʋa somuti mushaʋa, ɀicaita samakushe amakwai. 19Kana muciɗa, muciterera, mucadya ɀakanaka ɀenyika; 20asi kana muciramba, mucindimukira, mucaparadzwa nomunondo; nokuti muromo waJehova wakataura iɀoɀo.
21Haiwa, guta rakatendeka rashanduka cifeʋe sei! Iro rakaŋga rizere nokururamisa! Kururama kwaigara mariri, asi ɀino mogara ʋaʋurayi. 22Sirveri yako aʋa marara, waini yako yakaveŋganiswa nemvura. 23Macinda ako akamukira Jehova, ishamŋari dzembava; mumŋe nomumŋe unoɗa fufuro, unoʋiŋga miɓairo; haʋaruramisiri nherera, mhaka yecirikadzi haitambgi naʋo.
24Saka ɀanzi naShe, Jehova wehondo, iye Wamasimba waʋaIsraeri: Ndicapedza shuŋgu dzaŋgu pamsoro paʋadziʋisi ʋaŋgu, ndicaɀitsiʋira pamsoro paʋaʋeŋgi ʋaŋgu; 25ndicatambanudzira ruʋoko rwaŋgu kwauri, ndinatse cose marara ako, ndicabvisa tini yako. 26Ndicadzosera ʋatoŋgi ʋako ʋaʋe sapakutaŋga, namakota ako sapakutaŋga; shure kwaiɀoɀo ucanzi Guta rokururama, musha wakatendeka. 27Zioni ricadzikinurwa nokururamiswa, naʋanodzoka mariri nokururama. 28Asi ʋaɗariki naʋatadzi ʋacaparadzwa pamŋe cete, ʋanosiya Jehova ʋacapedzwa. 29Nokuti ʋacanyadziswa pamsoro pemiti yemiouki yamaifarira, mucaʋa nenyadzi pamsoro peminda yamakasanaŋgura. 30Nokuti mucaʋa somuouki waȿaʋa mashizha, ʋuye somunda usinemvura. 31Unesimba ucaʋa sorwonzi, neɓasa rake sesasaradzi dzomŋoto; ɀose ɀiʋiri ɀicatȿa pamŋe cete, hakunauŋgaɀidzimura.
Zvasarudzwa nguva ino
Isaya 1: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018