Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

ƲaHeberu 7

7
Kristu Muprista mukuru unorudzi naMerkisedeki.
1Nokuti Merkisedeki uyo, mambo weSaremi, muprista waMŋari Wokumsoro‐soro, wakasoŋgana naAbrahama pakudzoka kwake andoʋuraya madzimambo, akamuropafadza; 2Abrahama akamupa ʋo cegumi ceɀose; iye pakutaŋga ari mambo wokururama, kana ɀicishandurwa, ʋuye ɀe, mambo weSaremi, ndokuti, mambo worugare; 3asinaɓaɓa, asinamai, asinamadzisekuru, asina‐kutaŋga kwamazuʋa, kana kuguma kwoʋupenyu, asi wakafananidzwa noMŋanakomana waMŋari, unogara ari muprista nokusiŋgaperi.
4Ɀino fuŋgai kukura kwomunhu uyu, wakapiwa nateteguru Abrahama cegumi ceɀaakapamba. 5Ɀino aʋo, ʋari ʋanakomana ʋaRevi, ʋanopiwa ɓasa roʋuprista, ʋakarairwa nomurairo kuti ʋatore cegumi kuʋanhu, iko kuhama dzaʋo, kunyaŋge ʋakabva muciʋuno caAbrahama; 6asi uyu, usinakuraʋirwa rudzi rwake kwaʋari, wakapiwa ɀegumi naAbrahama, akamuropafadza iye wakaŋga aneɀipikirwa. 7Ɀino hatiŋgarambi kuti muɗuku ndiye unoropafadzwa nounopfuʋura nokunaka. 8Ʋuye pano, ʋanhu, ʋanofa, ʋanopiwa ɀegumi; asi apo uyo unopiwa, unopupurirwa ɀicinzi mupenyu. 9Ɀino tiŋgati, naRevi, unopiwa ɀegumi, iye ʋo wakapa ɀegumi munaAbrahama; 10nokuti wakaŋga aciri muciʋuno caɓaɓa ʋake, pakusoŋgana kwaMerkisedeki naye.
11Naiɀoɀo, kana kukwaniswa kwaiʋa’po nenzira yoʋuprista bgaRevi (nokuti ʋanhu ʋakapiwa murairo nokuɗa kwabgo), ko mumŋe muprista waifanira kuzomuka seiko unorudzi naMerkisedeki, asiŋganzi unorudzi naAroni? 12Nokuti kana ʋuprista bgucishandurwa, nomurairo unofanira kuti ushandurwe ʋo. 13Nokuti uyo unorebga ɀinhu iɀi pamsoro pake, wakaŋga ari worumŋe rudzi, rwakaŋga rusinomunhu wakamboɓate‐ɓasa paartari. 14Nokuti ɀinoʋonekwa pacena, kuti Ishe weɗu wakabva kunaJuda; pamsoro porudzi urwu Mosesi haana‐kureʋa ɀaʋaprista. 15Iɀi ɀinoratidzwa ʋo kwaɀo, kana kucimuka mumŋe muprista wakafanana naMerkisedeki, 16usinakuitwa muprista nomurairo wokuraira kwenyama, asi nesimba roʋupenyu bgusiŋgapedzwi. 17Nokuti iye unopupurirwa, ɀicinzi:
Iwe uri muprista nokusiŋgaperi,
Unorudzi naMerkisedeki.
18Nokuti murau wokutaŋga unokoneswa nokuɗa kwoʋutera bgawo, ʋuye nokuti haunamaturo, 19(nokuti murairo hauna‐kukwanisa cinhu), ɀino tariro, inopfuʋura nokunaka, ikaiswa’po, yatinosweɗera nayo kunaMŋari. 20Ʋuye ɀe, ɀaasina‐kuitwa muprista kusinemhiko; 21(nokuti iʋo ʋakaitwa ʋaprista kusinemhiko, asi iye nokupika kwaiye, wakati kwaari:
Ishe wakapika, haaŋgaɀidyi mŋoyo ɀe, aciti:
Iwe uri muprista nokusiŋgaperi);
22Saiɀoɀo Jesu wakaitwa ruɓatso rwesuŋgano inopfuʋura nokunaka. 23Iʋo ʋaiʋa ʋaprista ʋazhinji, nokuti ʋakadziʋiswa norufu kugara nokusiŋgaperi; 24asi iye, ɀaanogara nokusiŋgaperi, unoʋuprista bgusiŋgapfuʋudzwi kunomumŋe. 25Naiɀoɀo unesimba rokuponesa kwaɀo‐kwaɀo aʋo ʋanosweɗera kunaMŋari naye, ɀaanorarama nokusiŋgaperi kuti aʋareʋerere.
26Nokuti muprista mukuru wakaɗai ndiye wataifanira kuʋa naye, mutȿene, usinecakaipa, usina‐kuȿiɓiswa, wakaparadzaniswa naʋatadzi, wakakwidzwa kumsoro kweɗeŋga; 27usiŋgafaniri, saʋaya ʋaprista ʋakuru, kuɓayira zuʋa rimŋe nerimŋe, pakutaŋga pamsoro peɀiʋi ɀaʋo, pashure pamsoro peɀiʋi ɀaʋanhu; nokuti wakaita iɀoɀi kamŋe cete, ɀikapera, pakuɀiita kwake ciɓayiro. 28Nokuti murairo unogadza ʋanhu ʋanoʋutera, kuti ʋaʋe ʋaprista ʋakuru; asi shoko rokupika, rakateʋera murairo, rinogadza Mŋanakomana, wakakwaniswa nokusiŋgaperi.

Zvasarudzwa nguva ino

ƲaHeberu 7: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda