Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

ƲaHeberu 12:1-12

ƲaHeberu 12:1-12 SUB1949

Naiɀoɀo, nesu ʋo, ɀatakakomberedzwa negore reɀapupu rakakura rikaɗai, ŋgatibvisei ɀose ɀinoremedza, neɀiʋi ɀinoŋgotinamatira, ŋgatimhanye nokutsuŋgirira nhaŋgemutaŋge yatakaisirwa, ticitarira kunaJesu, muʋambi nomukwanisi wokutenda kweɗu, iye wakatsuŋga pamucinjikwa nokuɗa kwomufaro wakaiswa pamberi pake, akashoʋora kunyadziswa kwawo, akandogara kurudyi rwecigaro coʋushe caMŋari. Nokuti cerekedzai uyo wakatsuŋga pakukakaʋara kwakaɗai kwaʋatadzi, kuti imi murege kuneta nokupera simba pamŋeya yenyu. Mucigere kudziʋirira kuȿikira ropa riciɓuɗa pakurwa kwenyu neɀiʋi. Ʋuye makakaŋganwa kwaɀo kuraira kunotaura kwamuri sokuʋanakomana, kuciti: Mŋanakomana waŋgu, usaɀidza kuraŋga kwaShe, Usapera mŋoyo kana ucirairwa naye; Nokuti waanoɗa Ishe unomuraŋga, Unoroʋa ɀikuru mŋanakomana mumŋe nomumŋe waanogamucira. Tsuŋgai henyu mŋoyo kuti muraŋgwe; Mŋari unoɓata nemi saʋanakomana; nokuti mŋanakomana ndoupi usiŋgaraŋgwi naɓaɓa? Asi kana musiŋgaraŋgwi, seɀinoitirwa ʋose, muri ʋana ʋoʋupombge, hamuzi ʋanakomana caiʋo. Ʋuye ɀe isu taiʋa namadziɓaɓa eɗu enyama, ʋaitiraŋga, tikaʋakudza; ko hatiŋgaɀiisi ɀikuru pasi paƂaɓa ʋemŋeya, kuti tirarame here? Nokuti iʋo, ɀirokwaɀo, ʋakatiraŋga mazuʋa mashoma, seɀaʋaifuŋga: asi iye unotiraŋga kuti tiɓatsirwe, tigogoʋerwa ʋutȿene bgake. Ɀino kuraŋga kwose, kana kucaitwa, kwakaita sokusiŋgafadzi, kunocemedza; asi pashure kunoɓerekera iʋo, ʋakadzidziswa nako, ɀiɓereko ɀorugare, ndiɀo ɀiɓereko ɀokururama. Saka simbisai ɀe maʋoko akarembera pasi, namabvi anoshaiwa simba