Nokuti nyama inociʋa icirwa noMŋeya; noMŋeya ucirwa nenyama; nokuti iɀi ɀinorwisana; kuti murege kuita ɀamunoɗa. Asi kana mucituŋgamirirwa noMŋeya, hamuzi pasi pomurairo. Ɀino maɓasa enyama anoʋonekwa, anoti: Ʋupombge, netȿina, noʋutere, nokunamata ɀifananidzo, noʋuroyi, nokuʋeŋgana, negakaʋa, negoɗo, nokutsamŋa, nokupesana, nokuparadzana, nedzidziso dzakatsauka, nokugoɗorana, nokuɓatwa, nokutamba kwakaipa, neɀinhu ɀakaɗai; iɀo ɀandinokuʋudzai ɀino, seɀandakambokuʋudzai kare, kuti ʋanoita ɀakaɗai haʋaŋgadyi nhaka yoʋushe bgaMŋari. Ɀino ciɓereko coMŋeya ndirwo ruɗo, nomufaro, norugare, nomŋoyo murefu, nomŋoyo munyoro, nokunaka, nokutendeka, noʋunyoro, nokuɀidzora: hakunomurairo unodziʋisa ɀinhu ɀakaɗai. Asi aʋo ʋari ʋaKristu Jesu ʋakaroʋera pamucinjikwa nyama, pamŋe cete nokuɗa kwayo, nokuciʋa kwayo.