Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ezra 6

6
1Ipapo mambo Dariusi wakaraira, ʋakanɀera paimba yamabuku, paʋaiceŋgeta fuma paBabironi. 2Ʋakawana paAkmeta, paimba yamambo yakaŋga iri parutiʋi rwenyika yeMedia, rugwaro rwakapetwa makaŋga makanyorwa kuɗai kuti ʋaraŋgarire: 3Pagore rokutaŋga ramambo Koreshi, mambo Koreshi wakaraira, aciti: Kana iri imba yaMŋari paJerusarema, imba ŋgaiʋakwe, paʋe paʋaŋgaɓayira ɀiɓayiro, nenheyo dzayo dziteyiwe nesimba; kukwirira kwayo kuȿike makubiti anamakumi matanhatu, nokufara kwayo makubiti anamakumi matanhatu; 4ŋgaiʋe nemisara mitatu yamabge makuru, nomusara mumŋe wamatanda matȿa; mari yokuʋaka nayo ŋgaitorwe paimba yamambo. 5Nemidziyo yendarama nesirveri yeimba yaMŋari, yakaɗeya kutorwa naNebukadnezari patembere paJerusarema, ikaiswa naye Babironi, ŋgaidzoswe, iiswe ɀe patembere iri Jerusarema, cimŋe necimŋe panɀimbo yaco, mugoɀiisa muimba yaMŋari. 6Naiɀoɀo ɀino imi Tatenai muɓati wenyika mhiri kworwizi, naShetari‐bozenai, neshamŋari dzenyu dzaʋaAfarsaki, imi muri mhiri kworwizi, cibvai ipapo; 7ʋaregei paɓasa reimba yaMŋari; muɓati waʋaJuda naʋakuru ʋaʋaJuda ŋgaʋaʋake imba iyi yaMŋari panɀimbo yayo. 8Ʋuye ndinoraira ɀamunofanira kuitira ʋakuru aʋa ʋaʋaJuda, kuti imba iyi yaMŋari iʋakwe: Mari yokuʋaka nayo ŋgaitorwe pafuma yamambo, pamutero unoripxa mhiri kworwizi, ikurumidze kupiwa ʋarume aʋo, kuti ʋarege kudziʋiswa. 9Ʋuye ɀose ɀaʋanoshaiwa, kana nzombe ɗuku, kana makondobge, kana makwaiana, ɀokuita naɀo ɀipiriso ɀinopisirwa Mŋari wokuɗeŋga, kana ɀiyo, kana munyu, kana waini, kana mafuta, seɀinotaura ʋaprista ʋari Jerusarema, ŋgaʋapiwe iɀoɀo zuʋa rimŋe nerimŋe, musiŋgaɗariki; 10kuti ʋagone kuʋigira Mŋari wokuɗeŋga ɀiɓayiro ɀinonhuwira ɀakanaka, ʋanyeŋgeterere ʋo ʋupenyu bgamambo, nobgaʋanakomana ʋake. 11Ndatema ʋo cireʋo, kuti aninani unoshandura shoko iri, ɓaŋgo ribviswe paimba yake, iye aturikwe aroʋerwe pariri; ʋuye imba yake iitwe ɗurunhuru pamsoro pecinhu ici; 12Mŋari, wakagarisa zita rake ipapo, ŋgaaparadze madzimambo ose naʋanhu ʋacatambanudza maʋoko aʋo kushandura cinhu ici, nokuparadza imba iyi yaMŋari iri paJerusarema. Ini Dariusi ndatema cireʋo ici; ŋgaɀiitwe nokukurumidza.
13Ipapo Tatenai muɓati wenyika mhiri kworwizi, naShetari‐bozenai, neshamŋari dzaʋo, ʋakaita iɀoɀo nokukurumidza, nemhaka yeshoko rakaŋga ratumŋa namambo Dariusi. 14Ʋakuru ʋaʋaJuda ʋakaʋaka, ʋakapfuʋurira mberi ɀakanaka, ʋacisimbiswa nokuprofita kwaHagai muprofita naZekaria mŋanakomana waIdo. Ʋakaʋaka, ʋakaipedza, seɀakarairwa naMŋari waIsraeri, ʋuye necireʋo caKoreshi, naDariusi, naArtashasta mambo wePersia. 15Imba iyi ikapedzwa nezuʋa retatu romŋedzi weAdari pagore retanhatu rokuɓata ʋushe kwamambo Dariusi. 16Ʋana ʋaIsraeri naʋaprista, naʋaRevi, naʋamŋe ʋakaŋga ʋatapxa ʋakatsaurira Mŋari imba iyi nomufaro. 17Ʋakaɓayira pakutsaura imba iyi yaMŋari nzombe dzinezana rimŋe, namakondobge anamazana maʋiri, namakwaiana anamazana manna; ʋuye nhoŋgo dzembudzi dzinegumi nembiri, dzakaenzana namarudzi aʋaIsraeri, ciʋe cipiriso ceɀiʋi caʋaIsraeri ʋose. 18Ʋakagadza ʋaprista pamakamu aʋo, naʋaRevi pamapoka aʋo, paɓasa raMŋari paJerusarema; seɀakaŋga ɀanyorwa pabuku yaMosesi.
19Ʋatapxa ʋakaita paseka nezuʋa regumi namanna romŋedzi wokutaŋga. 20Nokuti ʋaprista naʋaRevi ʋakaŋga ʋaɀinatsa nomŋoyo mumŋe; ʋose ʋaʋo ʋakaŋga ʋanatswa; ʋakaɓayira ʋatapxa ʋose paseka, nehama dzaʋo dzaʋaprista, naiʋo ʋamene. 21Ipapo ʋana ʋaIsraeri, ʋakaŋga ʋadzoka pakutapxa, ʋakadya, iʋo naʋose ʋakaŋga ʋaɀitsaurira kwaʋari ʋacibva pamatȿina aʋahedeni ʋenyika iyo, kuti ʋatȿake Jehova Mŋari waIsraeri; 22ʋakaita mutambo weɀiŋgwa ɀisina‐kuʋiriswa mazuʋa manomŋe; nokuti Jehova wakaŋga aʋafadza, akarereʋudzira mŋoyo wamambo weAsiria kwaʋari, kuti asimbise maʋoko aʋo paɓasa reimba yaMŋari waIsraeri.

Zvasarudzwa nguva ino

Ezra 6: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda