Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ezra 5

5
Ʋanotaŋga kuʋaka ɀe nokupedzisa tembere.
1Ɀino ʋaprofita, ʋaiti muprofita Hagai, naZekaria mŋanakomana waIdo, ʋakaprofitera ʋaJuda ʋakaŋga ʋari paJuda neJerusarema; ʋakaprofitera nezita raMŋari waIsraeri. 2Ipapo Zerubaberi mŋanakomana waSheartieri, naJeshua mŋanakomana waJozadaki, ʋakasimuka, ʋakataŋga kuʋaka imba yaMŋari paJerusarema; ʋaprofita ʋaMŋari, ʋakaŋga ʋanaʋo, ʋaciʋaɓatsira. 3Ɀino paŋguʋa iyo Tatenai, muɓati wenyika mhiri kworwizi, naShetari‐bozenai, neshamŋari dzaʋo ʋakaȿika kwaʋari, ʋakati kwaʋari: Makarairwa nani kuʋaka imba iyi, nokupedza ruȿiŋgo urwu here? 4Ipapo takataura ʋo naʋo, tikati: Mazita aʋarume ʋanoʋaka imba iyi ndianiko? 5Asi ziso raMŋari waʋo rakaŋga rakatarira ʋakuru ʋaʋaJuda, ʋakakoniwa kuʋaregesa ɓasa, kuȿikira mhaka yaiswa kunaDariusi nemhinduro pamsoro payo icizodzoka neŋwadi.
6Ndiwo mashoko eŋwadi yakatumirwa mambo Dariusi naTatenai muɓati mhiri kworwizi, naShetari‐bozenai, neshamŋari dzake ʋaAfarsaki, ʋakaŋga ʋari mhiri kworwizi; 7ʋakamutumira ŋwadi makaŋga makanyorwa kuɗai: Kunamambo Dariusi, rugare rwose ŋgaruʋe nemi. 8Mambo ŋgaaziʋiswe kuti takaenda kurutiʋi rwenyika yaJuda, kuimba yaMŋari mukuru, inoʋakwa namabge makuru, ʋuye matanda anoiswa mumaȿiŋgo; ɓasa iri rinoshiŋgairirwa, rinopfuʋurira mberi ɀakanaka pamaʋoko aʋo. 9Ɀino takabvunza ʋakuru iʋaʋo, tikati kwaʋari: Ndianiko wakakurairai kuʋaka imba iyi nokupedza ruȿiŋgo urwu? 10Takaʋabvunza ʋo mazita aʋo, kuti tikuziʋisei, tinyore mazita aʋarume ʋanoʋatuŋgamirira. 11Ʋakapindura ʋaciti: Isu tiri ʋaranda ʋaMŋari wokuɗeŋga napasi, tinoʋaka imba yakaɗeya kuʋakwa makore mazhinji akapfuʋura, yakaʋakwa nomumŋe mambo mukuru waIsraeri, ikapera. 12Asi madziɓaɓa eɗu akati atsamŋisa Mŋari wokuɗeŋga, iye akaʋaisa mumaʋoko aNebukadnezari mambo weBabironi, muKardea; iye akaparadza imba ino, akatapa ʋanhu, ndokuenda naʋo Babironi. 13Asi negore rokutaŋga raKoreshi mambo weBabironi, mambo Koreshi akaraira, kuti imba ino yaMŋari iʋakwe. 14Nemidziyo yendarama neyesirveri yeimba yaMŋari, yakaŋga yatorwa naNebukadnezari patembere yaiʋa Jerusarema, ikaiswa mutembere yeBabironi, mambo Koreshi wakabvisa iɀoɀo mutembere yeBabironi, ɀikapiwa mumŋe wainzi Sheshbazari, waakaŋga aita muɓati; 15akati kwaari: Tora midziyo iyi, undoiisa mutembere iri Jerusarema, imba yaMŋari iʋakwe panɀimbo yayo. 16Ipapo uyu Sheshbazari wakaʋuya, akateya nheyo dzeimba yaMŋari iri Jerusarema; ɀino kubva paŋguʋa iyo kuȿikira ɀino yakaramba iciʋakwa, naɀino icigere kupera. 17Naiɀoɀo ɀino, kana mambo acifara naɀo, ŋgaʋanɀere muimba yefuma yamambo iri Babironi, ʋaʋone kana ɀiri iɀo, kana mambo Koreshi akaraira kuti imba ino yaMŋari iʋakwe Jerusarema, mambo agotiziʋisa kuɗa kwake pamsoro pemhaka iyi.

Zvasarudzwa nguva ino

Ezra 5: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda