Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ezra 4

4
ƲaSamaria ʋanoidza kuʋadziʋisa kuʋaka tembere.
1Ɀino ʋadziʋisi ʋaʋaJuda naʋaBenjamini ʋakati ʋacinzwa kuti ʋatapxa ʋoʋakira Jehova Mŋari waIsraeri tembere; 2ʋakasweɗera kunaZerubaberi, nokuʋakuru ʋedzimba dzamadziɓaɓa, ʋakati kwaʋari: Ŋgatiʋake nemi, nokuti tinotȿaka Mŋari wenyu, semi ʋo; tinomuɓayira kubva pamazuʋa aEsarihadoni mambo waAsiria, wakatiȿitsa pano. 3Asi Zerubaberi, naJeshua, naʋamŋe ʋakuru ʋedzimba dzamadziɓaɓa aIsraeri ʋakati kwaʋari: Imi hamuŋgatoŋgoɓatsirani nesu pakuʋakira Mŋari weɗu imba; asi isu toga ticaʋakira Jehova Mŋari waIsraeri, seɀatakarairwa namambo Koreshi mambo wePersia. 4Ipapo ʋanhu ʋenyika iyo ʋakashaisa maʋoko aʋanhu ʋaJuda simba, ʋakaʋatambudza pakuʋaka; 5ʋakaripira ʋanhu ʋokuʋaraira, kuti ʋakaŋganise ɀaʋakaŋga ʋaciɗa kuita, mazuʋa ose aKoreshi mambo wePersia, kuȿikira Dariusi mambo wePersia acizoɓata ʋushe. 6Ɀino Ahasheroshi wakati oɓata ʋushe, ʋakanyora ŋwadi yokukwirira ʋakaŋga ʋagere kwaJuda neJerusarema.
7Ɀino pamazuʋa aArtashasta, Bishrami, naMitredati, naTabeeri nedzimŋe shamŋari dzake, ʋakanyorera Artashasta mambo wePersia; iyo ŋwadi yakaŋga yakanyorwa namareteri eCiAramia, nokuɗudzirwa ʋo neCiAramia. 8Rehumi mukuru naShimshai munyori ʋakanyorera mambo Artashasta ŋwadi yokukwirira ʋeJerusarema yaiti: 9Rehumi mukuru, naShimshai munyori, nedzimŋe shamŋari dzaʋo, iʋo ʋaDinai, naʋaAfarsatki, naʋaTarperi, naʋaAfarsi, naʋaArkevi, naʋaBabironi, naʋaShushanki, naʋaDehai, naʋaErami, 10nedzimŋe ndudzi dzakaʋuya naOsnapari mukuru wakakurumbira, dzikaiswa paguta reSamaria, napanamamŋe matiʋi enyika mhiri kworwizi, namamŋe mashoko akaɗai. 11Ndiwo mashoko eŋwadi yaʋakatuma kunamambo Artashasta: Ʋaranda ʋenyu, iʋo ʋarume ʋari mhiri kworwizi, namamŋe mashoko akaɗai. 12Mambo ŋgaaziʋiswe kuti ʋaJuda, ʋakabva kwenyu ʋakaȿika ʋuno kwatiri paJerusarema, ʋoʋaka guta rokumukira mambo, rakaipa; ʋapedza maȿiŋgo, nokugadzira nheyo. 13Ɀino mambo ŋgaaziʋiswe, kuti kana guta iri rikaʋakwa, namaȿiŋgo aro akapera, haʋaŋgaɓuɗisi mutero, kana ɀipo, kana muripo wenzira, pashure madzimambo acatadzirwa. 14Ɀino isu, ɀatinodya munyu unobva paimba yamambo, ʋuye ɀatisiŋgafaniri kuʋona mambo acininipiswa, tatuma ŋwadi kuzoziʋisa mambo; 15kuti ʋanɀere pabuku yenhau yamadziɓaɓa enyu; mucaʋona mubuku yenhau, kuti guta iri raimukira mambo, raitadzira madzimambo nenyika, ʋuye kuti mukati maro ʋairamba ʋacimukira madzimambo kubva kare nakare. Guta iri rakaparadzwa nemhaka iyo. 16Tinoziʋisa mambo kuti kana guta iri rikaʋakwa ɀe, namaȿiŋgo akapera, nemhaka iyo hamuŋgazoʋi nomugoʋe mhiri kworwizi. 17Ipapo mambo akatuma mhinduro kunaRehumi mukuru, naShimshai munyori, nedzimŋe shamŋari dzaʋo dzaigara Samaria napamŋe mhiri kworwizi, aciti: Rugare ŋgaruʋe nemi, namamŋe mashoko akaɗai. 18Ŋwadi yamakatitumira, ndairaʋirwa ɀakanaka. 19Ndikaraira, ʋakanɀera ʋakaʋona kuti guta iri raimukira madzimambo kubva kare nakare, ʋuye kuti mukati maro maiʋa nokumukira mambo nokuraŋgana ɀakaipa. 20Ʋuye madzimambo anesimba aiʋa’po paJerusarema, aiɓata ʋushe pose pamhiri porwizi; iʋo ʋaiɓuɗisirwa mutero, neɀipo, nomuripo wenzira. 21Ɀino temai cireʋo cokuti ʋanhu aʋo ʋarege ɓasa raʋo, guta iri rirege kuʋakwa, kuȿikira ini ndatema cireʋo. 22Cenjerai, musanonoka pacinhu ici; cakaipa cicakurireiko, kuzotadzira madzimambo? 23Ɀino mashoko eŋwadi yamambo Artashasta akati araʋirwa Rehumi, naShimshai munyori, neshamŋari dzaʋo, ʋakakurumidza kuenda Jerusarema kuʋaJuda, ʋakaʋadziʋisa nokumanikidza nesimba. 24Ipapo ɓasa reimba yaMŋari paJerusarema rakaregwa; rikaregwa kuȿikira pagore recipiri rokuɓata ʋushe kwaDariusi mambo wePersia.

Zvasarudzwa nguva ino

Ezra 4: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda